Shona

Ukranian: New Testament

Micah

3

1Ini ndakati, Chinzwai henyu, imwi vakuru vaJakove, navabati veimba yaIsiraeri. Ko hamuzaifanira kuziva kururamisira vanhu here?
2Iyemi, munovenga zvakanaka, muchida zvakaipa, munovhiya vanhu ganda ravo, muchibvambura nyama yavo pamafupa avo;
3imi, munodyawo nyama yavanhu vangu, muchisvuura ganda ravo, munovhuna mafupa avo, muchiaguranya seehari, senyama iri mugate.
4Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavapinduri; nokuvavanzira chiso chake nenguva iyo, nokuda kwezvakaipa zvavakaita pamabasa avo.
5Zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita, vakatsausa vanhu vangu, vanoruma nameno avo, vachidana vachiti, Rugare! Asi asingaisi chinhu mumiromo yavo, vanomumukira hondo.
6Naizvozvo muchasvikirwa nousiku, kuti murege kuva nechamunoona; muchava nerima, kuti murege kuuka; zuva richavirira vaporofita, chiedza chamasikati chichavasvibira.
7Vaoni vachanyadziswa, navauki vachakanganiswa; zvirokwazvo, vose vachapfumbira ndebvu dzavo, nekuti hakune mhinduro inobva kuna Mwari.
8Asi kana ndirini, ndizere nesimba pamwechete noMweya waJehovha, nokutonga nokutsunga, kuti ndiparidzire Jakove kudarika kwavo, uye Isiraeri zvivi zvavo.
9Chinzwai henyu chinhu ichi, imwi vakuru veimba yaJakove, navabati viemba munosema kururamisa, nokuminamisa zvose zvakarurama.
10Munovaka Ziyoni neropa, uye Jerusaremu nezvakaipa.
11Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vapristi varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyange zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.
12Naizvozvo Ziyoni richarimwa somunda nemhaka yenyu, Jerusaremu richaitwa mirwi yamabwe, uye gomo reimba yaJehovha senzvimbo dzakakwirira dzokudondo.