1Asi namazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richagadzwa pamisoro yamakomo, richakwiridzwa kumusoro kwezvikomo; marudzi avanhu achakungurukira kwariri.
2Marudzi mazhinji achaenda, achiti, Uyai, hendei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakove; uye achatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake. nekuti paZiyoni ndipo pachabuda murayiro, napaJerusaremu shoko raJehovha.
3Iye achatonga pakati pamarudzi mazhinji, acharuramisira marudzi ane simba ari kure; vachapfura minondo yavo vachiiita zvikari, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti, rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.
4Asi mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna angazovatyisa, nekuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.
5nekuti marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.
6Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaunganidza mhetamakumbo, ndichaunganidza vakadzingwa, navakatambudzwa neni;
7vaikamhina ndichavaita vakasara, uye vakanga vakarashirwa kure ndichavaita rudzi rwakasimba; Jehovha achavabata ushe pagomo reZiyoni kubva zvino nokusingaperi.
8Zvino iwe, rutura rwamakwai, iwe chikomo chomukunda weZiyoni, zvichasvika kwauri, zvirokwazvo ushe hwokutanga huchasvika kumukunda weJerusaremu.
9Zvino munodanidzireiko? Hakuna mambo pakati penyu here, gota renyu raparara here, zvamabatwa nokurwadziwa sokomukadzi anosurumuka?
10Chirwadziwa, utambure nokusurumuka, uchandogara kusango, uchandosvika Bhabhironi; ipapo uchandorwirwa, Jehovha uchakudzikunurapo pamaoko avavengi vako.
11Zvino marudzi mazhinji avanhu akakuunganira, anoti, Ngaasvibiswe, meso edu ngaaone Ziyoni.
12Asi havazivi zvinofungwa naJehovha, havanzwisisi zvaakatema; nekuti wakavaunganidza semwanda paburiro.
13Simuka upure, iwe mukunda weZiyoni, nekuti runyanga rwako ndicharuita dare, uye mahwanda ako ndichaaita ndarira; uchaputsanya marudzi mazhinji; zvavakazviwanira ndichazvitsaurira Jehovha, fuma yavo ndichapa Ishe wenyika yose.