Shona

Ukranian: New Testament

Micah

7

1Ndine nhamo ini! nekuti ndava sapanguva kana michero yakapera kukohwiwa, kana zvakasara zvamazambiringa zvaunganidzwa; hakuchine sumbu rimwe ringadyiwa, mweya wangu unopanga muchero womuonde waibva.
2Vanhu vanoda Mwari vakaparara panyika, hakuchina vakarurama pakati pavanhu; vose vakavandira kuteura ropa, mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure.
3Maoko avo anongotsvaka zvakaipa kuti Machinda nokumbira, vatongi vanovinga mubayiro; mukuru anotaura ruchiva rwuri mumwoyo make; vanozviruka pamwe chere saizvozvo.
4Akanaka kupfuura vose akaita sorukato, akarurama kupfuura vose anopfuura ruzhowa rwemhinzwa; zuva renharirire dzenyu rasvika, iro zuva rokurohwa kwenyu, zvino kukanganiswa kwavo kuchavapo.
5Regai kuvimba nowamunogara naye, regai kutenda shamwari, rega kutaura zviri mumwoyo wako kumukadzi avete pachipfuva chako.
6nekuti mwanakomana anozvidza baba, mwanasikana anomukira mai vake, nomukadzi womwana vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu veimba yake.
7Asi kana ndirini ndichatarira kuna Jehovha, ndichamirira Mwari woruponeso rwangu; Mwari wangu uchandinzwa.
8Usafara pamusoro pangu iwe muvengi wangu; kana ndikawira pasi, ndichasimukazve; kana ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu.
9Ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, nekuti ndakamutadzira, kusvikira achindireverera mhosva yangu, nokundiruramisira mhaka yangu; uchandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.
10Ipapo muvengi wangu achazviona, kunyara kuchafukidza iye anoti kwandiri, Jehovha Mwari wako aripiko? Meso angu achamuona; zvino achatsikirwa pasi samatope ari panzira dzomumusha.
11Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika, nezuva iro miganho ichatarwa nokure.
12Nezuva iro vachauya kwamuri, vachibva Asiria nokumaguta eEgipita, nokunyika inobva Egipita ichisvikira kuRwizi, nokubva kune rimwe gungwa, kusvikira kune rimwe gungwa, nokubva kune rimwe gomo kusvikira kune rimwe gomo.
13Kunyange zvakadaro nyika ichava dongo, nemhaka yavageremo, nemhaka yezvibereko zvamabasa avo.
14Fudzai vanhu venyu netsvimbo yenyu, iwo makwai ari nhaka yenyu, anogara ari oga mudondo pakati peKarimeri; ngaachere paBhashani neGiriyadhi, sapamazuva akare.
15Ndichavaratidza zvinhu zvinoshamisa sapamazuva okubuda kwenyu munyika yeEgipita.
16Marudzi avanhu achazviona akanyara pamusoro pesimba ravo rose; vachafumbatira miromo yavo namaoko avo, nzeve dzavo hadzinganzwi.
17Vachananzva guruva senyoka., vachabuda panzvimbo dzavo dzokuvanda vachidedera sezvinokambaira zvenyika; vachauya kuna Jehovha Mwari wedu vachitya, vachakutyai.
18Ndianiko Mwari akafanana nemi, anokangamwira zvakaipa, anopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nekuti anofarira kuva nenyasha.
19Achatinzwira tsitsizve, achatsikira zvakaipa zvedu pasi petsoka dzake; muchakandira zvivi zvavo zvose mukudzika kwegungwa.
20muchaitira Jakove zvokwadi yenyu, naAbhurahamu nyasha dzenyu, idzo dzamakapikira madzibaba edu kubva pamazuva akare.