Shona

Ukranian: New Testament

Nahum

1

1Chirevo chaMwari pamusoro peNinivhe. Bhuku yezvakaonekwa naNahumi muErikoshi.
2Jehovha ndiye Mwari ane godo, anotsiva; Jehovha anotsiva, azere nehasha; Jehovha anotsiva vadzivisi vake, anochengetera vavengi vake hasha dzake.
3Jehovha haakurumidzi kutsamwa, une simba guru, haangatongopembedzi ane mhosva; nzira yaJehovha iri pakati pechamupupuri nedutu, makore iguruva retsoka dzake.
4Anotuka gungwa, achiriomesa, anopwisa nzizi dzose; Bhashani rinoshaiwa simba, uye Karimeri, ruva reRebhanoni rinoshaiwa simba.
5Makomo anodedera pamberi pake, zvikomo zvinonyauka; pasi panosimuka pamberi pake, zvirokwazvo, iyo nyika yavose vagerepo.
6Ndiani angamira pamberi pehasha dzake? Ndiani angaramba amire pakutsamwa kwake kukuru? Hasha dzake dzakadururwa somoto, matombo akaputsanyiwa naye.
7Jehovha akanaka, inhare nezuva rokutambudzika; iye anoziva vanotizira kwaari.
8Asi achaparadza kwazvo nzvimbo yeguta nemvura inokukura, achidzingana navavengi vake kusvikira murima.
9Munorangarireiko pamusoro paJehovha? Iye achaparadza chose; nhamo haingamukizve rwechipiri.
10nekuti kunyange vakakorekana semhinzwa, kana kuita savakabatwa nezvavakamwa, vachaparadzwa chose samashanga akaoma.
11Mumwe akabuda pakati penyu anorangarira zvakaipa pamusoro paJehovha, anorangana zvisina maturo.
12Zvanzi naJehovha, Kunyange vane simba ravo rose, vakawandawo, kunyange zvakadaro vachatemwa, iye achaparara. Kunyange ndakakutambudzai, handingazokutambudziyizve.
13Zvino ndichavhuna joko rake, ribve kwamuri, ndichadamburanya zvisungo zvenyu.
14Jehovha akaraira pamusoro penyu, kuti vezita renyu varege kuzodzvarwazve; mumba mavamwari venyu ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa; ndichakuchererai hwiro; nekuti makashata kwazvo.
15Tarirai pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Itai mitambo yenyu, imwi Judha, itai zvamakapika, nekuti wakaipa haangazopfuurizve napakati penyu; akaparadzwa chose.