1Muputsanyi auya kuzorwa nemi; rindirai nhare, tarirai nzira, simbisai zviuno zvenyu, itai nesimba renyu kwazvo.
2nekuti Jehovha anodzosa kurumbidzwa kukuru kwaJakove sokurumbidzwa kukuru kwaIsiraeri; nekuti vapambi vakavapamba, vakaparadza matavi emizambiringa yavo.
3Nhovo dzemhare dzake dzakatsvukiswa, varume vakatsunga vakapfeka nguvo tsvuku; ngoro dziri mumoto wedare nezuva rokuzvigadzira kwake, mapfumo ake emisipiresi anosimudzwa.
4Ngoro dzinovirima virima munzira dzomumusha, dzinobonderana pamapani dzakafanana namazhenje, dzinomhanya semheni.
5Ucharangarira vakuru vake, vanogumburwa pakufamba kwavo, vanomhanyira kurusvingo rwaro pakagadzirwa chitaviridzo.
6Masuwo enzizi akazarurwa, imba yamambo yakanyauka.
7Shoko ratemwa, rokuti, rakafukurwa, rakatapwa, vashandiri varo vanomutungamirira vachichema namazwi akaita seenjiva, vachizvirova pazvipfuva zvavo.
8Asi kubva kare Ninivhe rakanga rakaita sedziva remvura; kunyange zvakadaro vanotiza. Vanodana vachiti, Mirai, mirai! Asi hakuna anocheuka.
9Pambai sirivha, pambai ndarama; nekuti kuwanda kwazvo hakuperi, iyo fuma yenhumbi dzakaisvonaka.
10Harina chinhu, rinoshaiwa zvose, rava dongo; mwoyo unonyauka, mabvi anobonderana, kurwadziwa kwazvo kuripo pazviuno zvose, zviso zvavose zvacheneruka.
11Nzvimbo yeshumba iripi? Panodyira shumba duku ndapapi? Ndapapi panofamba shumba nehadzi yayo nomwana weshumba, kusina anodzikarudza?
12Shumba yaibvamburanya zvakaringana vana vayo, yaidzipira hadzi dzayo, yaizadza mapako ayo nezvayairuma, nenzimba dzayo nezvayaibata.
13Tarirai, ndine mhaka nemwi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichapisa ngoro dzaro dziite utsi, munondo uchapedza shumba dzenyu duku; ndichabvisa zvawakapamba panyika, inzwi renhume dzako haringatongonzwikwizve.