1Zvino negore rechina ramambo Dhariusi shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya nezuva rechina romwedzi wepfumbamwe, iwo weKisirevhi.
2Zvino vanhu veBhetieri vakanga vatuma Sharezeri naRegemimereki, navanhu vavo, kundokumbira nyasha kuna Jehovha,
3nokutaura navapristi veimba yaJehovha wehondo navaporofita, vachiti, Ko ndochema nomwedzi wechishanu, ndichizviparadzanisa navamwe, sezvandaiita makore awa mazhinji here?
4Ipapo shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti,
5Taura navanhu vose venyika ino, navapristi, uti, Zvamaitsanya muchichema nomwedzi wechishanu nowechinomwe, makore ano anamakumi manomwe, maitongotsanya nokuda kwangu, nokuda kwangu here?
6Kana muchidya, kana muchimwa, hamuzvidyiri nokuzvimwira here?
7Ko haazi mashoko aJehovha aakadanidzira navaporofita vakare, Jerusaremu richakagarwa navanhu richinomufaro, iro namaguta aro ose akaripoteredza, nenyika yezasi yenyika yamapani dzichina vanhu.
8Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, richiti,
9Ndizvo zvakataura Jehovha wehondo, achiti, Ruramisirai kwazvo pakutonga, mumwe nomumwe aitire hama yake unyoro netsitsi;
10regai kumanikidza chirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuva nomumwe wenyu anofungira hama yake zvakaipa pamwoyo pake.
11Asi vakaramba kuteerera, vakabvisa fudzi ravo, nokudzivira nzeve dzavo kuti varege kunzwa.
12Zvirokwazvo, mwoyo yavo vakaiita sedhaimani, kuti varege kunzwa murayiro namashoko akatumwa naJehovha wehondo noMweya wake navaporofita vakare; saka kutsamwa kukuru kwakabuda kuna Jehovha wehondo.
13Zvino sezvaakadana, ivo vakaramba kunzwa, saizvozvo ivo vachadanawo ini ndicharamba kunzwa ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo;
14asi ndichavaparadzira nechamupupuri pakati pendudzi dzose dzavakanga vasingazivi. nekuti nyika yakava dongo shure kwavo, kukasava nomunhu akaenda kana kudzoka neko; nekuti vakaparadza nyika yakanga ichifadza.