1Zvino shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti,
2Zvanzi naJehovha wehondo, Ndine godo pamusoro peZiyoni, godo guru, ndine godo pamusoro paro, dziri shungu kwadzo.
3Zvanzi naJehovha, Ndakadzokera paZiyoni, ndichagara pakati peJerusaremu; Jerusaremu richanzi guta rezvokwadi, uye gomo raJehovha richanzi gomo dzvene.
4Zvanzi naJehovha wehondo, Vatana navachembere vachagarazve munzira dzomuguta reJerusaremu, murume mumwe nomumwe ano mudonzvo wake nemhaka yokukwegura kwake.
5Nzira dzomuguta dzichazara navakomana navasikana vanotamba munzira dzaro.
6Zvanzi naJehovha wehondo, Kana zvichishamisa pamberi pavanhu ava vakasara namazuva iwayo, ko zvingashamisa pamberi pangu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
7Zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichaponesa vanhu vangu kunyika yamabvazuva, nokunyika yamavirira;
8ndichavauyisa, vagare pakati peJerusaremu; vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo nezvokwadi nokururama.
9Zvanzi naJehovha wehondo, Maoko enyu ngaasimbe, iyemi munonzwa mashoko awa mazuva ano pamiromo yavaporofita, vaivapo nezuva rakateyiwa nheyo dzeimba yaJehovha wehondo, iyo temberi, kuti ivakwe.
10nekuti mazuva iwayo asati asvika, kwakanga kusino mubayiro womunhu kana mubayiro wezvipfuwo; kwakanga kusina rugare kune waibuda kana kune aipinda, nemhaka yomudzivisi, nekuti ndaituma vanhu vose mumwe nomumwe kurwisana nowokwake.
11Asi zvino handichazovi kuna vanhu ava vakasara sapamazuva akare, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
12nekuti mbeu yorugare ichavapo; muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvayo, denga richabudisa dova raro; vanhu ava vakasara ndichavagarisa nhaka yezvinhu izvi zvose.
13Zvino sezvamaiva chinhu chakatukwa pakati pendudzi dzavanhu, imwi imba yaJudha nemwi imba yaIsiraeri, saizvozvo ndichakuponesai, muve chinhu chinoropafadza. Regai kutya, asi maoko enyu asimbe.
14nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Sezvandakafunga kukuitirai zvakaipa, nguva yandakatsamwiswa namadzibaba enyu, ini ndikasazvidemba ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo;
15saizvozvowo ndakafunga mazuva ano kuitira Jerusaremu zvakanaka uye neimba yaJudhawo; regai kutya.
16Hezvi zvinhu zvamunofanira kuita: Mumwe nomumwe ngaareve zvokwadi kunowokwake; tongai nezvokwadi norugare mumasuwo enyu;
17kurege kuva nomumwe wenyu anofungira wokwake zvakaipa mumwoyo make; musada kupika kwenhema; nekuti zvinhu izvi zvose ndinozvivenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.
18Zvino shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti,
19Zvanzi naJehovha wehondo, Kutsanya nomwedzi wechina, nokutsanya nomwedzi wechishanu, nokutsanya nomwedzi wechinomwe, nokutsanya nomwedzi wegumi, zvinofanira kuva kuimba yaJudha mufaro nokufarisisa, nemitambo inomufaro; saka idai zvokwadi norugare.
20Zvanzi naJehovha wehondo, Ndudzi dzavanhu dzichauyazve, navagere mumaguta mazhinji;
21vagere muguta rimwe vachaenda kune rimwe, vachiti, Handei, tichimbidzike kundokumbira nyasha kuna Jehovha, tindotsvaka Jehovha wehondo; neni ndichaendawo.
22Zvirokwazvo, ndudzi zhinji dzavanhu namarudzi anesimba achauya kuzotsvaka Jehovha wehondo paJerusaremu, nokukumbira nyasha kuna Jehovha.
23Zvanzi naJehovha wehondo, Namazuva iwayo varume vane gumi pandimi dzose dzendudzi dzavanhu vachabata nguvo yomunhu ari muJudha, vachiti, Tichaenda newe, nekuti takanzwa kuti Mwari anemi.