1Mukuru, kuna Gayo unodikamwa zvikuru, wandinoda ini nechokwadi.
1The elder to Gaius the beloved, whom I love in truth.
2Mudiwa, ndinoshuva pamusoro pezvinhu zvose, kuti ubudirire, uve wakasimba, somweya wako uchibudirira.
2Beloved, I pray that you may prosper in all things and be healthy, even as your soul prospers.
3Nekuti ndakafara zvikuru hama padzakasvika dzichipupurira chokwadi chiri mauri kunyange sezvawakafamba muchokwadi.
3For I rejoiced greatly, when brothers came and testified about your truth, even as you walk in truth.
4Handina mufaro unopfuura kunzwa kuti vana vangu vanofamba muchokwadi.
4I have no greater joy than this, to hear about my children walking in truth.
5Mudiwa, unoita nokutendeka zvose zvaunoita kuhama nekuvaeni;
5Beloved, you do a faithful work in whatever you accomplish for those who are brothers and strangers.
6vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; ivo kana ukavaperekedza nomutowo wakafanira Mwari uchaita zvakanaka.
6They have testified about your love before the assembly. You will do well to send them forward on their journey in a way worthy of God,
7Nekuti nekuda kweZita rake vakabuda, vasingatori chinhu kuvahedheni.
7because for the sake of the Name they went out, taking nothing from the Gentiles.
8Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi.
8We therefore ought to receive such, that we may be fellow workers for the truth.
9Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefe, unoda kuva wepamberi pakati pavo, haatigamuchiri.
9I wrote to the assembly, but Diotrephes, who loves to be first among them, doesn’t accept what we say.
10Naizvozvo kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa namashoko akaipa; uye asingagutsikani naizvozvo, kana iye amene haagamuchiri hama, uye unovadzivisa avo vanoda nokuvadzinga mukereke.
10Therefore if I come, I will call attention to his deeds which he does, unjustly accusing us with wicked words. Not content with this, neither does he himself receive the brothers, and those who would, he forbids and throws out of the assembly.
11Mudiwa, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, unoita zvakanaka, ndewaMwari; asi unoita zvakaipa, haana kuona Mwari.
11Beloved, don’t imitate that which is evil, but that which is good. He who does good is of God. He who does evil hasn’t seen God.
12Dhemetirio unopupurirwa zvakanaka navose, uye nechokwadi chomene; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.
12Demetrius has the testimony of all, and of the truth itself; yes, we also testify, and you know that our testimony is true.
13Ndakanga ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
13I had many things to write to you, but I am unwilling to write to you with ink and pen;
14asi ndinovimba ndichakurumidza kukuona, tigotaurirana pazviso. Rugare kwauri. Hama dzinokukwazisa. Kwazisa hama nemazita.
14but I hope to see you soon, and we will speak face to face. Peace be to you. The friends greet you. Greet the friends by name.