Shona

World English Bible

Jude

1

1Judha, muranda waJesu Kristu, munin'ina waJakobho, kuna vakaitwa vatsvene naMwari Baba, vakachengetedzwa muna Jesu Kristu, vakadamwa:
1 Jude, a servant of Jesus Christ, and brother of James, to those who are called, sanctified by God the Father, and kept for Jesus Christ:
2Tsitsi kwamuri, nerugare, nerudo, ngazvipamhidzirwe.
2Mercy to you and peace and love be multiplied.
3Vadiwa, ndakati ndichipa kushingaira kose pakunyorerai zvekuponeswa kwedu kumwe chete, zvakanga zvakandifanira chose kukunyorerai, ndichikurudzira kuti murwire nemoyo wose rutendo rwakambopiwa vatsvene kamwe.
3Beloved, while I was very eager to write to you about our common salvation, I was constrained to write to you exhorting you to contend earnestly for the faith which was once for all delivered to the saints.
4Nekuti kuna vamwe varume vakapinda nokunyangira, vakagara vagadzirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari vanoshandura nyasha dzaMwari wedu kuita unzenza, vachiramba Tenzi uyu mumwe woga Mwari, naIshe wedu Jesu Kristu.
4For there are certain men who crept in secretly, even those who were long ago written about for this condemnation: ungodly men, turning the grace of our God into indecency, and denying our only Master, God, and Lord, Jesus Christ.
5Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maimboziva izvi, kuti Ishe amborwira vanhu munyika yeEgipita, pashure akazoparadza avo vakanga vasingatendi.
5Now I desire to remind you, though you already know this, that the Lord, having saved a people out of the land of Egypt, afterward destroyed those who didn’t believe.
6Navatumwa vasina kuchengeta ukuru hwokutanga, asi vakasiya ugaro hwavo hwomene, wakavachengeta muzvisungo zvekusingaperi pasi perima kusvikira pakutongwa kwezuva guru;
6Angels who didn’t keep their first domain, but deserted their own dwelling place, he has kept in everlasting bonds under darkness for the judgment of the great day.
7seSodhoma neGomora, namaguta akaapoteredza, akazvikumikidza kuupombwe nenzira yakafanana nawo nokutevera imwe nyama, akaitwa mufananidzo, akatambudzika pakurangwa nomoto usingaperi.
7Even as Sodom and Gomorrah, and the cities around them, having, in the same way as these, given themselves over to sexual immorality and gone after strange flesh, are set forth as an example, suffering the punishment of eternal fire.
8Nenzira imwe chete iyoyo ava vachirota vanosvibisa nyama yavo, vachiramba vukuru, nokutuka ukuru.
8Yet in the same way, these also in their dreaming defile the flesh, despise authority, and slander celestial beings.
9Asi Mikaeri mutumwa mukuru nguva yaakarwa nadhiabhorosi, akakakavara pamusoro pomuviri waMozisi, wakatya kumupa mhosva namashoko okutuka, asi wakati: Ishe ngaakutsiure.
9But Michael, the archangel, when contending with the devil and arguing about the body of Moses, dared not bring against him an abusive condemnation, but said, “May the Lord rebuke you!”
10Asi ava vanotuka zvose zvavasingazivi; asi izvo zvavanoziva pachizvarigo vakaita semhuka dzisingazivi, vanozviparadza muzvimhu izvozvo.
10But these speak evil of whatever things they don’t know. What they understand naturally, like the creatures without reason, they are destroyed in these things.
11Vachaona nhamo! Nekuti vakafamba nenzira yaKaini, vakazviwisira mukutsauka kwaBharami nekuda kwemubairo, vakaparadzwa nenharo dzaKora.
11Woe to them! For they went in the way of Cain, and ran riotously in the error of Balaam for hire, and perished in Korah’s rebellion.
12Ava mabwe akavanzika pamafundo enyu erudo, kana vachipemberera nemwi, vachizvifunda vasina kutya; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi;
12These are hidden rocky reefs in your love feasts when they feast with you, shepherds who without fear feed themselves; clouds without water, carried along by winds; autumn leaves without fruit, twice dead, plucked up by the roots;
13mafungu egungwa anopengereka, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinongombeya, vakachengeterwa kusviba kwerima nokusingaperi.
13wild waves of the sea, foaming out their own shame; wandering stars, for whom the blackness of darkness has been reserved forever.
14NaEnokiwo wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofita zvaivava, achiti: Tarira, Ishe wakauya navatsvene vake zvuru zvamazana,
14About these also Enoch, the seventh from Adam, prophesied, saying, “Behold, the Lord came with ten thousands of his holy ones,
15kuti atonge pamusoro pavose, nokupa mhosva vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada Mwari, nepamusoro pemashoko avo ose makukutu aakataurirwa nevatadzi vasingadi Mwari.
15to execute judgment on all, and to convict all the ungodly of all their works of ungodliness which they have done in an ungodly way, and of all the hard things which ungodly sinners have spoken against him.”
16Ava van'un'uni, vagunun'uni, vanofamba nokuchiva kwavo; uye miromo yavo inotaura zvekuzvikudza, vachichiva vanhu nekuda kwemubairo.
16These are murmurers and complainers, walking after their lusts (and their mouth speaks proud things), showing respect of persons to gain advantage.
17Asi imwi vadiwa, rangarirai mashoko akagara ataurwa navaapositori vaIshe wedu Jesu Kristu;
17But you, beloved, remember the words which have been spoken before by the apostles of our Lord Jesus Christ.
18kuti vakakuvudzai kuti nenguva yekupedzisira vaseki vachavako, vachafamba nokuchiva kwavo kwekusada Mwari.
18They said to you that “In the last time there will be mockers, walking after their own ungodly lusts.”
19Ndivo vanozviparadzanisa, ndevenyama, vasina Mweya.
19These are they who cause divisions, and are sensual, not having the Spirit.
20Asi imwi vadiwa, muchizvivaka parutendo rwenyu rwutsvene tsvene, muchinyengetera muMweya Mutsvene,
20But you, beloved, keep building up yourselves on your most holy faith, praying in the Holy Spirit.
21muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarisira tsitsi dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kusvikira kuupenyu hwusingaperi.
21Keep yourselves in the love of God, looking for the mercy of our Lord Jesus Christ to eternal life.
22Ivai netsitsi navamwe muchipa mutsauko,
22On some have compassion, making a distinction,
23asi vamwe muvaponese nokutya, muchivabvuta pamoto; muchivenga kunyange nenguvo yakasvibiswa nenyama.
23and some save, snatching them out of the fire with fear, hating even the clothing stained by the flesh.
24Zvino kuna iye unogona kukuchengetai pakugumburwa, nokukuteyai musina chamungapomerwa pamberi pokubwinya kwake nomufaro mukuru,
24Now to him who is able to keep them from stumbling, and to present you faultless before the presence of his glory in great joy,
25kuna Mwari Muponesi wedu mumwe chete wakachenjera, ngakuve nokubwinya, neumambo, nesimba, neushe, zvose ikozvino nokusingaperi. Ameni.
25to God our Savior, who alone is wise, be glory and majesty, dominion and power, both now and forever. Amen.