Shona

Wolof: New Testament

Exodus

10

1Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Pinda kuna Farao, nekuti ndaomesa moyo wake, nemoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo;
2kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Egipita, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.
3Zvino Mozisi naAroni vakapinda kuna Farao, vakati kwaari, Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, Ucharamba kuzvininipisa pamberi pangu kusvikira rinhiko? Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
4Nekuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu kuenda, tarira, mangwana ndichauyisa mhashu panyika yenyu;
5dzichafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuona pasi; dzichadya zvakasara zvakapukunyuka, zvamakasiirwa nechimvuramabwe, dzichadya miti yose inokumererai muminda;
6nedzimba dzenyu dzichazara, nedzimba dzavaranda venyu vose, nedzimba dzavaEgipita vose; zvakadaro hazvina kumboonekwa namadzibaba enyu, namadzibaba amadzibaba enyu, kubva pazuva ravakatanga panyika kusvikira zuva rino. Ipapo akatendeuka akabuda pamberi paFarao.
7Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira rinhiko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Egipita raparadzwa?
8Zvino Mozisi naAroni vakadzoserwazve kuna Farao, iye akati kwavari, Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu; asi vachaenda ndivana aniko?
9Mozisi akati, Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nekuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo.
10akati kwavari, Jehovha ngaave nemwi kana ini ndikatongokutenderai kuenda, imwi nepwere dzenyu! Chenjerai, nekuti munenge munofunga zvakaipa.
11Ngazvisadaro! imwi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nekuti ndizvo zvamakumbira. Vakadzingwa pamberi paFarao.
12Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeEgipita, mhashu dziuye pamusoro penyika yeEgipita, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiiwa nechimvuramabwe.
13Mozisi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu.
14Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeEgipita, dzikandomhara munyika yose yeEgipita, dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve.
15Nekuti dzakafukidza nyika yose-yose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeEgipita.
16Ipapo Farao akakurumidza kudana Mozisi naAroni, akati, Ndatadzira Jehovha, Mwari wenyu, nemi.
17Naizvozvo zvino ndikangamwirei zvivi zvangu nguva ino chete, mukumbire kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu chete.
18Akabuda pamberi paFarao, akandokumbira kuna Jehovha.
19Zvino Jehovha akadzosera mhepo ine simba kwazvo, yakabva kumavirazuva, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGungwa Dzvuku; hakuna kuzosara kunyange nemhashu imwe chete munyika yose yeEgipita.
20Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda.
21Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako kudenga,rima rivepo panyika yeEgipita, rima ringaita seringabatwa namaoko.
22Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikavapo panyika yose yeEgipita, rikaita mazuva matatu;
23havana kuonana, uye hapana mumwe akasimuka paakanga agere namazuva matatu; asi vana vaIsiraeri vose vakanga vane chiedza kwavaigara.
24Zvino Farao akadana Mozisi, akati, Endai, mundonamata Jehovha; asi makwai enyu nemombe dzenyu ngadzisare; nepwere dzenyu dzingaenda hadzo nemi.
25Mozisi akati, Munofanira kutipawo mumaoko edu zvokubayira nezvipiriso zvokupisa zvatingandobayira Jehovha Mwari wedu.
26Zvipfuwo zvedu zvichaendawo nesu, hakungasari kunyange nehwanda rimwe, nekuti tinofanira kutora kwazviri kuti tinamate nazvo Jehovha Mwari wedu; hatizivi zvatinganamata Jehovha nazvo kudzimana tasvikapo.
27Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akaramba kuvatendera kuenda.
28Zvino Farao akati kwaari, Ibva pamberi pangu, chenjera kuti urege kuonazve chiso changu, nekuti nomusi waunoona chiso changu uchafa.
29Mozisi akati, Mareva kwazvo, handichazooni chiso chenyuzve.