1Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peEgipita, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano.
2Zvino udza vanhu vanzwe, kuti murume mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, nomukadzi mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, vapiwe zvishongo zvesirivha nezvishongo zvendarama.
3Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaEgipita. Naiye munhu uyu Mozisi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeEgipita, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu.
4Zvino Mozisi akati, Zvanzi naJehovha, Kana pava pakati pousiku, ndichabuda ndikafamba napakati peEgipita;
5madangwe ose munyika yeEgipita achafa, kutanga padangwe raFarao anogara pachigaro choushe, kusvikira padangwe romurandakadzi ari paguyo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo.
6Panyika yose yeEgipita pachava nokuchema kukuru, kwakadaro hakuna kumbovapo, uye hakungazovipozve.
7Asi pakati pavana valsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati pavaEgipita navalsiraeri.
8Navaranda venyu vose ava vachaburukira kwandiri, vachandipfugamira, vachiti, Ibvai henyu, navanhu vose vanokuteverai; shure kwaizvozvo ndichabuda. Akabuda pamberi, paFarao, akatsamwa kwazvo.
9Jehovha akati kuna Mozisi, Farao haangakuteerereyi kuti zvishamiso zvangu zviwanzwe panyika yeEgipita.
10Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kubva munyika yake.