Shona

Wolof: New Testament

Exodus

12

1Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni munyika akati,
2Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, unofanira kuva mwedzi wokutanga wegore.
3Taurai kuungano yose yavaIsiraeri, muti, Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwayana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwayana rayo.
4Kana mhuri iri duku vasingagoni kupedza gwayana, ivo navagere pedo neimba yavo ngavatore rimwe rinoringana vanhu. Muringanise gwayana pakudya komumwe nomumwe.
5Gwayana renyu ngarirege kuva nechinhu chisakafanira, mukono wegore rimwe; muritore pamakwai kana pambudzi;
6zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana.
7Zvino ngavatore rimwe ropa raro, variise pamagwatidziro maviri egonhi, napachivivo chokumusoro, padzimba pavacharidyira.
8Vadye nyama yaro usiku ihwohwo, yakagochwa pamoto, nechingwa chisina kuviriswa; vaidye nemiriwo inovava.
9Regai kuidya isina kuibva, kana yakabikwa nemvura, asi yakagochwa pamoto musoro waro namakumbo aro pamwechete noura hwaro.
10Musasiya chimwe charo kusvikira mangwana; zvose zvaro zvinosara kusvikira mangwana muzvipise nomoto.
11Muridye kudai: Makasunga zviuno zvenyu, makapfeka shangu dzenyu patsoka dzenyu, makabata tsvimbo dzenyu mumaoko enyu; muridye muchikurumidza; iPasika yaJehovha.
12nekuti nousiku ihwohwo ndichafamba napakati penyika yeEgipita, ndichirova madangwe ose avanhu panyika yeEgipita, navana vose vemhongora dzezvipfuwo; ndichatonga vamwari vose veEgipita; ndini Jehovha.
13Asi ropa richava chiratidzo kwamuri padzimba mamugere, kana ndichiona ropa ndichakupfuurai, kuti dambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndichirova nyika yeEgipita.
14Zuva iri richava chirangaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehovha mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uve murayiro nokusingaperi.
15Mudye chingwa chisina kuviriswa kwamazuva manomwe; nezuva rokutanga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nekuti munhu anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe ngaabviswe pakati pavaIsiraeri.
16Nezuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene, uye nezuva rechinomwe ungano tsvenezve; namazuva iwayo mabasa ose ngaarege kuitwa, asi zvinodyiwa nomunhu mumwe nomumwe zvingagadzirwa nemi, izvozvo chete.
17Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nekuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeEgipita; naizvozvo chengetai zuva iroro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murayiro nokusingaperi.
18Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, munofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa kusvikira pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi madekwana.
19Mazuva manomwe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nekuti ani naani, anodya zvakaviriswa anofanira kubviswa paungano yavaIsiraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu akaberekerwa munyika.
20Regai kudya chinhu chakaviriswa; padzimba dzenyu dzose mudye zvingwa zvisina kuviriswa.
21Zvino Mozisi akadana vakuru vose vavaIsiraeri, akati kwavari, Endai mundotora makwayana anoringana mhuri dzenyu, mubaye Pasika.
22Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze chivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwana.
23Nekuti Jehovha achapfuura napakati penyika kuti arove vaEgipita; kana akaona ropa pachivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri, Jehovha achadarika mukova uyo, haangatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akurovei.
24Chengeta chinhu ichocho, uve murayiro kwauri nokuvana vako nokusingaperi.
25Zvino kana muchizosvika panyika yamuchapiwa naJehovha, sezvaakakupikirai, muchengete basa iri.
26Zvino kana vana venyu vakati kwamuri, Basa iri rinoti kudiniko?
27Muti kwavari, Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, akadarika dzimba dzavana vaIsiraeri paEgipita nomusi waakarova vaEgipita, akaponesa dzimba dzedu. Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata.
28Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.
29Zvino pakati pousiku Jehovha akarova madangwe ose panyika
30Zvino Farao akamuka usiku, iye navaranda vake navaEgipita vose, kukava nokuchema kukuru paEgipita, nekuti kwakanga kusina imba musina akafa;
31akadana Mozisi naAroni usiku, akati, Simukai, ibvai pakati pavanhu vangu, imwi navana vaIsiraeri, endai mundonamata Jehovha sezvamakataura.
32Torai makwai enyu nemombe dzenyu, sezvamakataura, endai, neni mundiropafadzewo.
33VaEgipita vakakurudzira vanhu kwazvo, kuti vakurumidze kuvabudisa panyika, nekuti vakati, Isu tofa tose!
34Vanhu vakatora mukanyiwa wavo, usati waviriswa, nemidziyo yavo yokukanyira yakaputirwa munguvo dzavo pamafudzi avo.
35Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakaudzwa naMozisi, vakakumbira kuna vaEgipita zvishongo zvesirivha, nezvishongo zvendarama, nenguvo.
36Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaEgipita, vakavapa izvozvo zvavakakumbira; vakapedzera vaEgipita.
37Zvino vana vaIsiraeri vakabva Ramasesi, vakaenda Sukoti, vakanga vari varume vanofamba netsoka vane zviuru zvamazana zvitanhatu, vana vasingaverengwi.
38Navanhu vazhinji vakanga vakavhengana vakaenda navo, namakwai nemombe, zviri zvipfuwo zvizhinji-zhinji.
39Vakabika zvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakanga vabuda nawo paEgipita, nekuti wakange usina kuviriswa; nekuti vakadzingwa muEgipita, vakasagona kunonoka, vakasazvigadzirira mbuva.
40Zvino nguva yakagara vana vaIsiraeri muEgipita akanga ari makore ana mazana mana namakumi matatu.
41Pakupera kwamakore ana mazana mana namakumi matatu, nomusi iwoyo, hondo dzose dzaJehovha dzakabuda munyika yeEgipita.
42Usiku ihwohwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nekuti akavabudisa panyika yeEgipita nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsiraeri vose namarudzi avo ose.
43Jehovha akatiwo kuna Mozisi naAroni, Murayiro wePasika ndiwo: Mutorwa ngaarege kuidya.
44Asi muranda womunhu mumwe nomumwe akatengwa nemari, angaidya kana mamudzingisa.
45Mutorwa kana muranda anoripirwa ngaarege kuidya.
46Inofanira kudyirwa mumba mumwe; haufaniri kutora imwe nyama ukaenda nayo kunze kweimba; uye musavhuna pfupa rayo.
47Ungano yose yavaIsiraeri inofanira kuiita.
48Kana mutorwa agere newe achida kuitira Jehovha Pasika, vanhurume vose vari kwaari ngavadzingiswe, ipapo ngaaswedere hake kuiita; zvino afanana nomunhu akaberekerwa panyika; asi asina kudzingiswa ngaarege kuidya.
49Murayiro ngauve mumwe kunowakaberekerwa mumusha nokumutorwa agere pakati penyu.
50Zvino vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.
51Nezuva iroro Jehovha akabudisa vana vaIsiraeri panyika yeEgipita nehondo dzavo.