1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2Nditsaurirei madangwe ose; zvose zvinotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri, kana kuvanhu kana kuzvipfuwo, ndezvangu.
3Zvino Mozisi akati kuvanhu, Rangarirai zuva iri ramakabudiswa naro paEgipita, paimba youranda, nekuti Jehovha akakubudisai pano noruoko rune simba; chingwa chakaviriswa ngachirege kudyiwa nemi.
4Nhasi munobuda nomwedzi weAbhibhi.
5Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKanani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, yaakambopikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, unofanira kundoita basa iri nomwedzi uno.
6Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe; pazuva rechinomwe Jehovha ngaaitirwe mutambo.
7Chingwa chisina kuviriswa ngachidyiwe mazuva manomwe; chingwa chakaviriswa ngachirege kuonekwa kwauri, kunyange mbiriso ngairege kuonekwa kwauri panyika yako yose.
8Udza mwanakomana wako nomusi iwoyo, uti, Ndizvo zvinoratidza zvandakaitirwa naJehovha musi wandakabuda Egipita.
9Chinofanira kuva chiratidzo kwauri paruoko rwako, nechirangaridzo pakati pameso ako, kuti murayiro waJehovha uve mumuromo mako; nekuti Jehovha akakubudisa paEgipita noruoko rune simba.
10Naizvozvo unofanira kuchengeta murayiro uyu nenguva yawo gore rimwe nerimwe.
11Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKanani, sezvaakakupikira iwe namadzibaba ako, akakupa iyoyo,
12unofanira kusanangurira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, nezvokutanga zvose pazvipfuwo zvaunazvo, zvirume ndezvaJehovha.
13Mwana wokutanga wedhongi unofanira kuudzikunura negwayana, kana usingadi kuudzikunura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo; madangwe ose avanhu pakati pavanakomana vako unofanira kuadzikunura.
14Zvino kana mwanakomana wako achizokubvunza panguva inouya, akati, Chinyiko ichi? Uti kwaari, Jehovha akatibudisa noruoko rune simba paEgipita paimba youranda;
15nekuti panguva iyoyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehovha akauraya matangwe ose enyika yeEgipita, matangwe ose avanhu navana vemhongora dzezvipfuwo; naizvozvo ndinobayira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana zviri zvirume; asi matangwe ose avanakomana vangu ndiNowadzikunura.
16Ichi chichava chiratidzo paruoko rwako, norundanyara pameso pako; nekuti Jehovha akatibudisa noruoko rune simba.
17Zvino Farao akati aregedza vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvafambisa nenzira yapanyika yavaFirisitia, kunyange yaiva pedo, nekuti Mwari akati, Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona kurwa, vakadzokera Egipita,
18asi Mwari akapotesa vanhu nokure, nenzira yokurenje rapaGungwa Dzvuku; vana valsiraeri vakabuda panyika yeEgipita vakashonga nhumbi dzokurwa.
19Mozisi akatora mafupa aJosefa, akaenda nawo; nekuti akanga apikisa vana vaIsiraeri, achiti, Zvirokwazvo Mwari achakushanyirai, muchabva pano, mugoendawo namafupa angu.
20Zvino vakatanga rwendo rwavo vakabva Sukoti, vakandovaka misasa yavo paEtamu, pamucheto werenje.
21Jehovha akavatungamirira masikati neshongwe yegore rokuvaperekedza panzira, usiku neshongwe yomoto yokuvavhenekera, kuti vafambe masikati nousiku.
22Shongwe yegore yakanga isingabvi pamberi pavanhu masikati, kana shongwe yomoto usiku.