1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2Udza vana vaIsiraeri, kuti vadzoke, vavake misasa yavo pamberi paPihahiroti, pakati peMigodhori negungwa, pamberi peBhaarizefoni; muvake misasa yenyu pagungwa pakatarisana napo.
3Zvino Farao achati pamusoro pavana vaIsiraeri, Varasa nzira panyika, renje ravadzivirira.
4Ndichaomesa moyo waFarao kuti avateverere; ini ndichakudzwa pamusoro paFarao napahondo yake yose; vaEgipita vachaziva kuti ndini Jehovha. Vakaita saizvozvo.
5Zvino mambo weEgipita akaudzwa kuti vanhu vatiza; moyo waFarao nowavaranda vake ukashandukira vanhu, vakati, Taita seiko zvatatendera vaIsiraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?
6Zvino akagadzira ngoro yake, akaenda navanhu vake;
7akatora ngoro dzakatsaurwa dzina mazana matanhatu, nengoro dzose dzeEgipita, dzina vatariri vadzo dzose.
8Jehovha akaomesa moyo waFarao, mambo weEgipita, akateverera vana vaIsiraeri, nekuti vana vaIsiraeri vakanga vabuda noruoko rune simba.
9VaEgipita vakavateverera namabhiza ose nengoro dzaFarao, navatasvi vake vamabhiza, nehondo yake, vakavabata vachiri pamisasa pagungwa, paPihahiroti pamberi peBhaarizefoni.
10Zvino Farao akati asvika pedo, vana valsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona vaEgipita vachivateverera, vakatya kwazvo; vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.
11Vakati kuna Mozisi, Makanga muchiti hamuna mahwiro paEgipita, mukatibvisako kuti tifire murenje here? Makatiitireiko zvamatibudisa paEgipita?
12Ko harizi shoko iro ratakakuudzai paEgipita here, tichiti, Tiregei, tibatire hedu vaEgipita? Nekuti zviri nani kuti tibatire vaEgipita, pakuti tifire murenje.
13Zvino Mozisi akati kuvanhu, Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nekuti vaEgipita vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi.
14Jehovha achakurwirai, imwi munofanira kunyarara henyu.
15Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Unodanidzireiko kwandiri? Udza vana valsiraeri kuti vapfuurire mberi.
16Iwe simudza tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pegungwa, uritsemure napakati, kuti vana vaIsiraeri vafambe pakaoma mukati megungwa.
17Tarira, ndichaomesa moyo yavaEgipita, kuti vapindewo vachivateverera, ini ndizokudzwa pamusoro paFarao napamusoro pehondo yake yose, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.
18Ipapo vaEgipita vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakudzwa pamusoro paFarao, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.
19Zvino mutumwa waMwari, akanga akatungamirira hondo yavaIsiraeri, akabvapo, akaenda shure kwavo; shongwe yegore ikabva mberi kwavo, ikandomira shure kwavo.
20Ikapinda pakati pemisasa yavaEgipita nemisasa yavaIsiraeri; gore nerima, zvikavapo asi rakavhenekera usiku; havana kuswederana usiku hwose.
21Zvino Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka.
22Zvino vana valsiraeri vakapinda nomukati megungwa pakaoma, mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.
23vakavateverera, vakapinda shure kwavo mukati megungwa namabhiza aFarao ose, nengoro dzake navatasvi vake vamabhiza.
24Mangwanani Jehovha akatarira hondo yavaEgipita, ari mushongwe yomoto neyegore, akavhundusa hondo yavaEgipita.
25Akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba; vaEgipita vakazoti, Ngatitize pamberi pavaIsiraeri, nekuti Jehovha anovarwira ivo, asi anorwa navaEgipita.
26Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro pavaEgipita, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.
27Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, gungwa rikadzokera kwakare koedza; vaEgipita vakatizira mukati maro; Jehovha akaparadza vaEgipita mukati megungwa;
28mvura ikadzoka, ikafukidza ngoro, navatasvi vamabhiza, nehondo yose yaFarao yakanga yapinda mugungwa ichivateverera; hakuna kusara kunyange nomumwe wavo.
29Asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa; mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.
30Jehovha akarwira vaIsiraeri saizvozvo nomusi iwoyo pamaoko avaEgipita; vaIsiraeri vakaona vaEgipita vakanga vafa pamahombekombe egungwa.
31Ipapo vana vaIsiraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa vaEgipita naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha naMozisi muranda wake.