1Zvino Mozisi navana vaIsiraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu, vakataura vachiti,
2Jehovha ndiro simba rangu norwiyo rwangu; iye akava ruponeso rwangu; uyu ndiye Mwari wangu, ndichamurumbidza; Mwari wababa vangu, ndichamukudza.
3Jehovha munhu wokurwa; Jehovha ndiro zita rake.
4Akakandira ngoro dzaFarao nehondo yake mugungwa; varwi vake vakasanangurwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku.
5Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura makadzika sebwe.
6Rudyi rwenyu, Jehovha, rwakakudzwa nesimba rarwo; rudyi rwenyu, Jehovha, runoputsanya vavengi.
7Noumambo bwenyu ukuru munowisira pasi vanokumukirai simba; munotuma kutsamwa kwenyu, kunovapisa sehundi.
8Nokufema kwemhino dzenyu, mvura yakaunganidzwa pamwechete; nzizi dzikamira dzikaita murwi, mvura yakadzika yakagwamba mukati megungwa.
9Muvengi akati, Ndichateverera, ndichavabata, ndichagovera zvandapamba; kuchiva kwangu kuchagutswa navo; ndichavhomora munondo wangu, ruoko rwangu ruchavaparadza.
10Makafema mweya wenyu, gungwa rikavafukidza, vakanyura somutobvu mumvura ine simba.
11Ndianiko akafanana nemi, Jehovha, pakati pavamwari? Ndianiko akafanana nemwi paukuru hwoutsvene, munorumbidzwa muchityisa, munoita zvishamiso?
12Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikavamedza.
13Makafambisa nenyasha dzenyu vanhu vamakadzikunura; makavaperekedza nesimba renyu kuugaro bwenyu utsvene.
14Vanhu vakanzwa vakadedera, mabayo akawira vanhu vagere Firisitia.
15Ipapo machinda eEdhomu akashamiswa, kudedera kwakawira vanhu vane simba veMoabhu; vanhu vose vanogara Kanani vakanyauka.
16Kutya nokuvhunduka kwakavawira; vakanyarara sebwe noukuru hworuoko rwenyu; kusvikira vanhu venyu vayambuka, Jehovha, kusvikira vanhu venyu vamakazvitsvakira vayambuka.
17Muchavapinza, nokuvasima pagomo renhaka yenyu, paugaro hwamakazviitira, kuti mugarepo, Jehovha; patsvene pakaitwa namaoko enyu.
18Jehovha achabata ushe nokusingaperi.
19nekuti mabhiza aFarao akapinda mugungwa pamwechete nengoro dzake, navatasvi vake vamabhiza, Jehovha akadzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa.
20Zvino Miriami, muporofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora gandira muruoko rwake, vakadzi vose vakabuda vakamutevera vanamakandira, vachitamba.
21Miriami akavapindura akati, Imbirai Jehovha, nekuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.
22Zvino Mozisi akatungamirira vaIsiraeri, vakabva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, vakaita mazuva matatu vachifamba murenje vasingawani mvura.
23Vakasvika Mara, asi vakanga vasingagoni kumwa mvura yapaMara, nekuti yakanga ichivava; naizvozvo zita rapo rakanzi Mara.
24Zvino vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, Tichamweiko?
25Iye akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka.
26akati, Kana uchiteerera nomoyo wose inzwi raJehovha Mwari wako, ukaita zvakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeve dzako kumirairo yake, ukachengeta zvaakatema zvose, handingaisi pamusoro pako marwadzo andakaisa pamusoro pavaEgipita, nekuti ndini Jehovha murapi wako.
27Zvino vakasvika Erimu, pakanga pana matsime emvura ane gumi namaviri, nemichindwe ina makumi manomwe, vakavakapo misasa pamvura.