1Zvino vakabva Erimu parwendo rwavo, ungano yose yavana vaIsiraeri ikasvika parenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, nezuva regumi namashanu romwedzi wechipiri pakubva kwavo panyika yeEgipita.
2Zvino ungano yose yavaIsiraeri ikapopotera Mozisi naAroni murenje;
3vana vaIsiraeri vakati kwavari, Tingadai takafira hedu munyika yeEgipita noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nekuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.
4Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete.
5Zvino nomusi wetanhatu kana vogadzira izvo zvavauya nazvo, zvichaita zviyero zviviri kana vachienzanisa nechiyero chavanosiunganidza zuva rimwe nerimwe.
6Zvino Mozisi naAroni vakati kuvana vaIsiraeri vose, Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeEgipita.
7Fume mangwana muchaona kubwinya kwaJehovha, nekuti iye akanzwa kupopota kwamakapopotera Jehovha nako; isu tisu vanaaniko, zvamunotipopotera isu?
8Mozisi akati, Muchaona izvozvo kana Jehovha achikupai nyama madekwana, mukaidya, namangwana kana achikupai zvingwa, mukaguta; nekuti Jehovha akanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu vanaaniko zvamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehovha.
9Mozisi akati kuna Aroni, Udza ungano yose yavana vaIsiraeri, uti, Swederai pamberi paJehovha, nekuti akanzwa kupopota kwenyu.
10Zvino Aroni akati achataura neungano yose yavana vaIsiraeri, ivo vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore.
11Jehovha akataura naMozisi, akati,
12Ndanzwa kupopota kwevana vaIsiraeri; taura navo uti, Madekwana muchadya nyama, fume mangwana muchaguta zvingwa; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu.
13Zvino madekwana zvihuta zvikakwira, zvikafukidza misasa; fume mangwana dova rakanga rakapoteredza misasa.
14Zvino dova rakanga riri pasi rikati radzimuka, vakaona zvinhu zviduku zvakaurungana zvakanga zviri pasi murenje, zviduku sechando pavhu.
15Vana vaIsiraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti, Chinyiko? nekuti vakanga vasingazvizivi. Mozisi akati kwavari, Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.
16Zvino heri shoko rakarairwa naJehovha, Muzviunganidzire chinhu icho, mumwe nomumwe sezvaanosidya; munhu mumwe nomumwe omeri imwe, muchiverenga vanhu venyu, mumwe nomumwe atorere vari mutende rake.
17Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakaunganidza zvizhinji, vamwe zvishoma.
18Zvino vakati vozviidza neomeri, uyo akanga aunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu, naiye akanga aunganidza zvishoma haana kushaiwa; mumwe nomumwe akanga aunganidza sezvaaisidya.
19Mozisi akati kwavari, Kurege kuva nomunhu anosiya zvimwe kusvikira mangwana.
20Asi havana kuteerera Mozisi, asi vamwe vakasiya zvimwe kusvikira mangwana; zvikazara honye, zvikanhuwa; Mozisi akavatsamwira.
21Vakazviunganidza mangwanani ose, mumwe nomumwe sezvaaidya; kana zuva ropisa zvakanyakatika.
22Nezuva retanhatu vaiunganidza chingwa vachiita zviyero zviviri, mumwe nomumwe omeri zvino vakuru vose veungano vakauya kuzoudza Mozisi.
23Mozisi akati kwavari, Ndizvo zvakataurwa naJehovha, Mangwana izuva rezororo, isabata rakatsaurirwa Jehovha; gochai zvamunoda kugocha, bikai zvamunoda kubika; zvose zvasara muzvivige, muzvichengetere mangwana.
24Vakazviviga kusvikira mangwana, sezvavakanga varairwa naMozisi; zvino izvo hazvina kunhuwa, nehonye hadzina kuzovamo.
25Mozisi akati, Chidyai henyu izvozvo nhasi, nekuti nhasi isabata raJehovha. Nhasi hamungazviwani kusango.
26Munofanira kuzviunganidza mazuva matanhatu; asi zuva rechinomwe isabata; nezuva iroro hakungavi nechinhu.
27Zvino nezuva rechinomwe vamwe vakabuda kunozviunganidza, asi havana kuwana chinhu.
28Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemirau yangu kusvikira rinhiko?
29Tarirai, Jehovha zvaakakupai sabata, naizvozvo anokupai zvokudya zvamazuva maviri nezuva retanhatu; mumwe nomumwe wenyu ngaagare kwaagere, kurega kuvapo nomunhu anobuda kwaagere nezuva rechinomwe.
30Vanhu vakazorora nezuva rechinomwe.
31Zvino veimba yaIsiraeri vakatumidza izvozvo zita rinonzi Mana; chakanga chiri chichena setsanga yekorianderi; kunaka kwazvo kwakanga kwakafanana nezvingwa zvakabikwa nouchi.
32Zvino Mozisi akati, Ndiro shoko rakarairwa naJehovha, Omeri izere ngaichengeterwe marudzi enyu, vaone chingwa chandakakugutsai nacho murenje, nguva yandakakubudisai munyika yeEgipita.
33Zvino Mozisi akati kuna Aroni, Tora hari uisemo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehovha, kuti ichengeterwe marudzi enyu.
34Sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha, saizvozvo Aroni akazvigadzika pamberi peChipupuriro, kuti zvichengetwepo.
35Vana vaIsiraeri vakadya mana*makore makumi mana, kudzimara vachisvika panyika yakagarwa navanhu; vakadya mana*kudzimara vachisvika pamiganhu yenyika yeKanani.
36Zvino omeri chegumi cheefa.