1Zvino Jeturo, mupristi weMidhiani, mukarahwa waMozisi, akanzwa zvose zvakaitira Jehovha Mozisi navaIsiraeri, vanhu vake, kuti Jehovha akabudisa vaIsiraeri muEgipita.
2Jeturo, mukarahwa waMozisi, akatora Zipora, mukadzi waMozisi, nekuti akanga amudzosera kuna baba vake,
3navanakomana vake vaviri zita romumwe rainzi Geshomi, nekuti akati, Ndakanga ndiri mweni panyika yavamwe;
4nezita romumwe rainzi Ereazari, nekuti akati, Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu, akandirwira pamunondo waFarao.
5Jeturo mukarahwa waMozisi akauya navanakomana vaMozisi nomukadzi wake kuna Mozisi murenje, pagomo raMwari, paakanga avaka misasa;
6akati kuna Mozisi, Ini mukarahwa wako, Jeturo, ndauya kwauri nomukadzi wako navanakomana vake vaviri vanaye.
7Mozisi akandosangana nomukarahwa wake, akakotamira pasi pamberi pake, akamutsvoda; vakabvunzana mufaro, vakapinda mutende.
8Zvino Mozisi akaudza mukarahwa wake zvose zvakanga zvaitira Jehovha Farao navaEgipita nokuda kwavaIsiraeri, nokutambudzika kose kwakavawira panzira nokurwirwa kwavo naJehovha.
9Jeturo akafara pamusoro pezvose zvakanaka zvakanga zvaitirwa vaIsiraeri naJehovha, kuti akavarwira pamaoko avaEgipita.
10Jeturo akati, Jehovha ngaakudzwe akakurwirai pamaoko avaEgipita, napamaoko aFarao, iye akarwira vanhu pamaoko avaEgipita.
11Zvino ndinoziva kuti Jehovha mukuru kuvamwari vose pachinhu icho chavakazvikudza nacho kwavari.
12Ipapo Jeturo, mukarahwa waMozisi, akauya kuna Mwari nechipiriso chokupisa nezvimwe zvibayiro; Aroni navakuru vose vaIsiraeri vakauya vakadya zvokudya nomukarahwa waMozisi pamberi paMwari.
13Zvino fume mangwana Mozisi akagara achitambira vanhu mhaka dzavo, vanhu vakamira pamberi paMozisi kubva mangwanani kusvikira madekwana.
14Zvino mukarahwa waMozisi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?
15Mozisi akati kumukarahwa wake: Nekuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza Mwari;
16kana vane shoko vanosiuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndichivazivisa zvakatemwa naMwari nemirairo yake.
17Zvino mukarahwa waMozisi akati kwaari, Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka.
18Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nekuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga.
19Teerera zvino inzwi rangu, ndikurairire, Mwari agova newe. Iwe umirire vanhu pamberi paMwari, uise mashoko avo kuna Mwari;
20uvadzidzise zvakatemwa nemirairo, uvaratidze nzira yavanofanira kufamba nayo, nebasa ravanofanira kuita.
21Asi utsvake pakati pavanhu vose varume vechokwadi vanovenga kufufurwa; uvaite vabati vavo vezvuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi;
22ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe.
23Kana ukaita chinhu ichi, Mwari akakuraira saizvozvo, iwe uchagona kutsunga, navanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare.
24Mozisi akateerera inzwi romukarahwa wake, akaita zvose zvaakanga audzwa naye.
25Mozisi akatsaura varume vakachenjera pakati pavaIsiraeri vose, akavaita vakuru vavanhu, vabati vezviuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi.
26Ivo vakatamba mhaka dzavanhu nguva dzose; mashoko makuru vaisiuya nawo kuna Mozisi, asi mashoko ose maduku vaiatamba vamene.
27Zvino Mozisi akatendera mukarahwa wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.