1Nomwedzi wechitatu wokubuda kwavana valsiraeri panyika
2Vakati vabva paRefidhimu, vakasvika murenje reSinai, vakadzika matende avo murenje; valsiraeri vakavakapo misasa pamberi pegomo.
3Zvino Mozisi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakove, uudze vana vaIsiraeri, uti,
4Makaona zvandakaitira vaEgipita, uye kuti ndakakutakurai imwi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri.
5Naizvozvo zvino kana mukateerera inzwi rangu nomoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava fuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nekuti nyika ndeyangu;
6muchava kwandiri ushe hwevapristi, norudzi rutsvene. Ndiwo mashoko aunofanira kundoudza vana vaIsiraeri.
7Zvino Mozisi akadzoka, akadana vakuru vavanhu, akaisa pamberi pavo mashoko iwayo ose, aakanga arairwa naJehovha.
8Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete, vachiti, Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita. Mozisi akandoudza Jehovha mashoko avanhu.
9Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu, kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagotenda misi yose.
10Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Enda kuvanhu, uvatsaure nhasi namangwana, vasuke nguvo dzavo,
11vagare vakazvigadzira nezuva retatu, nekuti nezuva retatu Jehovha achaburuka pamberi pavanhu vose pamusoro pegomo reSinai.
12Iwe utarire vanhu miganhu yakavapoteredza, uti kwavari, Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani naani anobata gomo achaurawa zvirokwazvo;
13ngaarege kubatwa noruoko, asi atakwe zvirokwazvo namabwe, kana apfurwe; kana chiri chipfuwo, kana munhu, haafaniri kurarama; asi kana hwamanda ichiramba ichirira, ngavakwire mugomo.
14Zvino Mozisi akaburuka mugomo, akaenda kuvanhu, akatsaura vanhu; ivo vakasuka nguvo dzavo.
15Akati kuvanhu, Garai makazvigadzira nezuva retatu; musaswedera kumukadzi.
16Zvino nezuva retatu koedza kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nenzwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamisasa vakadedera.
17Zvino Mozisi akaudza vanhu kuti vabude pamisasa vasangane naMwari, vamire pajinga regomo.
18Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nekuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ukakwira soutsi bwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo.
19Zvino inzwi rehwamanda rakati richirira nokurira kwazvo, Mozisi akataura, Mwari akamupindura nenzwi.
20Ipapo Jehovha akaburukira pamusoro pegomo reSinai, Jehovha akadana Mozisi kuti akwire kumusoro wegomo, Mozisi akakwira.
21Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Buruka, undoraira vanhu kuti varege kupaza kuna Jehovha kundotarira, kuti vazhinji vavo varege kufa.
22Navapristi vanoswedera kuna Jehovha, ngavazvitsaure, kuti Jehovha arege kuvaparadza.
23Mozisi akati kuna Jehovha, Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nekuti makatiraira, muchiti, Tarirai miganhu pagomo muritsaure.
24Jehovha akati kwaari, Enda uburuke, mukwirezve, iwe naAroni, anewe; asi vapiristi navanhu ngavarege kupaza kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza.
25Ipapo Mozisi akaburukira kuvanhu, akandovaudza.