Shona

Wolof: New Testament

Exodus

20

1Zvino Mwari akataura mashoko awa ose, akati,
2Ndini Jehovha, Mwari wako, akakubvisa munyika yeEgipita, muimba yeuranda.
3Usava nevamwe vamwari kunze kwangu.
4Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.
5Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nekuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari ane godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga ;
6ndichaitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.b
7Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nekuti Jehovha haangaregi kupa mhosva anoreva zita rake pasina.
8Rangarira zuva resabata, kuti urichengete rive dzvene.
9Ubate mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose;
10asi zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako ari mukati mamasuwo ako,
11nekuti namazuva matanhatu Jehovha akaita denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuva rechinomwe; naizvozvo Jehovha akaropafadza zuva resabata akariita dzvene.
12Kudza baba vako namai vako, kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
13Usauraya.
14Usaita upombwe.
15Usaba.
16Usapupurira wokwako nhema.
17Usachiva imba yowokwako, usachiva mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana dhongi rake, kana chimwe chowokwako.
18Vanhu vose vakaona kutinhira, nemheni, nenzwi rehwamanda, negomo rinopfungaira, zvino vanhu vakati vachiona izvozvo, vakadedera vakamira kure.
19Vakati kuna Mozisi, imwi chitaurai henyu nesu, tinzwe; asi Mwari ngaarege kutaura nesu, tirege kufa.
20Mozisi akati kuvanhu, Musatya henyu, nekuti Mwari akauya kuzokuidzai, kuti mugare muchimutya, murege kutadza.
21Vanhu vakamira kure, Mozisi akaswedera kurima guru kwakanga kuna Mwari.
22Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuvana vaIsiraeri, imwi makaona mumene kuti ndakataura nemwi ndiri kudenga.
23Musaita vamwe vamwari pamwechete neni; musazviitira vamwari vesirivha kana vamwari vendarama.
24Undiitire aritari yevhu, ubayire pamusoro payo zvipiriso zvako zvinopiswa nezvipiriso zvako zvokuyananisa, namakwai ako nenzombe dzako; panzvimbo imwe neimwe pandicharangaridza zita rangu, ndichauyapo kwauri, ndichikuropafadza.
25Zvino kana uchindivakira aritari yamabwe, urege kuivaka namabwe akavezwa, nekuti kana ukasimudzira mbezo yako pamusoro pebwe, warisvibisa.
26Rega kukwirawo kuaritari yangu nezvikwiriso, kuti kunyasi kwako kurege kufukurwa kwairi.