Shona

Wolof: New Testament

Exodus

31

1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2Tarira, ndadana Bhezareri, mwanakomana, waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, nezita rake,
3ndikamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva kose, nokugona marudzi ose amabasa,
4kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,
5nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona marudzi ose amabasa.
6Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumoyo yavose vane moyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti, vaite, zvose zvandakakuraira,
7zvinoti: Tende rokusangana, neareka yechipupuriro, nechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetabhenakeri,
8netafura nenhumbi dzayo, nechigadziko chemwenje chakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, nearitari yezvinonhuhwira,
9nearitari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo,
10nenguvo dzakarukwa zvakanaka, nenguvo tsvene dzaAroni mupristi, nenguvo dzavanakomana vake dzokubata basa roupristi nadzo,
11namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuhwira zvemiti inonaka zvapanzvimbo tsvene; vanofanira kuita zvose sezvandakakuraira.
12Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
13Taura navana vaIsiraeri, uti, Zvirokwazvo munofanira kuchengeta masabata angu; nekuti chiratidzo pakati pangu nemwi kusvikira kumarudzi enyu ose, muzive kuti ndini Jehovha unokutsaurai.
14Naizvozvo chengetai sabata, nekuti idzvene kwamuri; ani naani unorizvidza ngaaurawe zvirokwazvo; nekuti ani naani unobata basa ripi neripi naro, munhu uyo ngaabviswe pakati porudzi rwake.
15Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe isabata rokuzorora kwazvo, idzvene kuna Jehovha; ani naani unobata basa ripi neripi nezuva resabata, ngaaurawe zvirokwazvo.
16Naizvozvo vana vaIsiraeri vanofanira kuchengeta sabata, varangarire sabata kusvikira kumarudzi avo ose; ive sungano isingaperi.
17Chiratidzo pakati pangu navana vaIsiraeri nokusingaperi; nekuti Jehovha wakaita denga nenyika namazuva matanhatu, akazorora nezuva rechinomwe, akasimbiswa.
18Zvino wakati apedza kutaura naMozisi pagomo reSinai, akamupa mabwendefa maviri echipupuriro, mabwendefa amabwe akanga akanyorwa nomumwe waMwari.