1Zvino vanhu vakati vachiona kuti Mozisi wononoka kuburuka mugomo, vakaungana kuna Aroni, vakati kwaari, Simuka, utiitire vamwari vangatitungamirira, nekuti kana ari Mozisi uyu, uya munhu wakatibudisa munyika hatizivi chakaitika naye.
2Zvino Aroni akati kwavari, Gurai zvindori zvendarama zviri panzeve dzavakadzi venyu nedzavanakomana venyu navanasikana venyu, muuye nazvo kwandiri.
3Zvino vanhu vose vakagura zvindori zvendarama zvakanga zviri panzeve dzavo, vakauya nazvo kuna Aroni.
4Iye akazvigamuchira pamaoko avo, akazviveza nenhumbi yokuveza nayo, akaita nazvo mhuru yakaumbwa. Ivo vakati, Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeEgipita.
5Zvino Aroni wakati achizviona, akavaka aritari pamberi payo, Aroni akadanidzira, akati, Mangwana mutambo uchavapo kuna Jehovha.
6Vakafumira mangwanani, vakapisira zvipiriso zvinopiswa, vakauyawo nezvipiriso zvokuyananisa, vanhu vakagara pasi, vakadya nokumwa, vakasimuka, vakatamba.
7Zvino Jehovha akataura naMozisi akati, Enda, buruka, nekuti vanhu vako, vawakabudisa munyika yeEgipita, vazvitadzira.
8Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibayiro, vachiti, Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeEgipita.
9Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Ndatarira vanhu ava, ndaona kuti vanhu vane mitsipa mikukutu;
10naizvozvo zvino ndirege hako, kuti shungu dzangu dzivamukire, ndivapedze, ndikuite iwe rudzi rukuru.
11Ipapo Mozisi akakumbira kuna Jehovha Mwari wake akati, Haiwa, Jehovha, shungu dzenyu dzingagomukireiko vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeEgipita nesimba guru uye noruoko rune simba.
12VaEgipita vangazoreva seiko vachiti, Wakavabudisira kune zvakaipa, kuti avauraye mumakomo, nokuvaparadza panyika? Dzorai shungu dzenyu huru, muzvidembe pamusoro pokuitira vanhu venyu zvakaipa zvakadai.
13Rangarirai henyu Abhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, varanda venyu, vamakazvipikira mumene, mukati kwavari, Ndichawanza vana venyu senyeredzi dzokudenga, nenyika yose iyi, yandakareva, ndichaipa vana venyu, vaigare nhaka nokusingaperi.
14Zvino Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga achifunga kuitira vanhu vake.
15Zvino Mozisi akatendeuka akaburuka mugomo, ana mabwendefa maviri echipupuriro muruoko rwake; mabwendefa akanga akanyorwa nhivi dzawo dzose, akanga akanyorwa seri neseri.
16Mabwendefa iwayo rakanga riri basa raMwari, norunyoro rwakanga ruri runyoro rwaMwari, rwakanga rwakatemwa pamabwendefa.
17Zvino Joshua wakati achinzwa mhere-mhere yavanhu vanopururudza, akati kuna Mozisi, Kune mhere-mhere yokurwa kumisasa.
18Iye akati, Haazi manzwi avanhu vanodanidzira pakukunda kwavo, kana manzwi avanhu vanodanidzira pakukundwa kwavo; asi ndinonzwa mheremhere yavanhu vanoimba.
19Zvino wakati aswedera kumisasa, akaona mhuru nokutamba. Ipapo shungu dzaMozisi dzikamuka, akakanda mabwendefa aiva mumaoko pasi, akaaputsa mujinga megomo.
20Akatora mhuru yavakanga vaita, akaipisa nomoto, akaikuya ikaita upfu, akaikanda mumvura, ndokumwisa vaIsiraeri izvozvo.
21Mozisi akati kuna Aroni, Vanhu ava vakakuitireiko, zvawauyisa chivi ichi chikuru pamusoro pavo?
22Aroni akati, Shungu dzashe wangu ngadzirege kumuka hadzo; munoziva vanhu ava, kuti vanongoda kutadza.
23Nekuti vakati kwandiri, Tiitirei vamwari vangatitungamirira, nekuti kana ari Mozisi uyu, munhu uya wakatibudisa munyika yeEgipita, hatizivi chakaitika naye.
24Ndikati kwavari, Ani naani une ndarama, ngaaigure; zvino vakandipa, ndikaikandira mumoto, mhuru iyi ikabudamo.
25Zvino Mozisi wakati aona kuti vanhu varasa Jehovha, nekuti Aroni wakange avarasisa, kuti vasekwe navavengi vavo,
26Mozisi akandomira musuwo remisasa, akati, Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri. Vana vaRevhi vose vakaungana kwaari.
27Akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari wavaIsiraeri, Mumwe nomumwe wenyu ngaasungire munondo wake pachidya chake, mufambe-fambe muchibva pane rimwe suwo muchienda kune rimwe suwo pakati pemisasa, mumwe nomumwe auraye hama yake, nomumwe nomumwe shamwari yake, nomumwe nomumwe munhu wokwake.
28Vana vaRevhi vakaita sezvakanga zvarehwa naMozisi; nomusi iwoyo vakafa pakati pavanhu vanenge vane zviuru zvitatu.
29Zvino Mozisi akati, Zviparadzanisei nhasi kuna Jehovha, kuti munhu mumwe nomumwe arwe nomwanakomana wake uye nehama yake, kuti akuropafadzei nhasi.
30Zvino fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, imwi makatadza nokutadza kukuru, asi zvino ini ndichakwira kuna Jehovha, zvimwe ndingayananisira zvivi zvenyu.
31Mozisi akadzokera kuna Jehovha, akati, Haiwa, vanhu ava vakatadza nokutadza kukuru, vakazviitira vamwari vendarama;
32zvino dai muchivakangamwira henyu zvivi zvavo; asi kana musingadi henyu, ndidzimei pabhuku renyu ramakanyora.
33Jehovha akati kuna Mozisi, Uyo wakanditadzira, ndiye wandichadzima pabhuku rangu.
34Zvino chienda, uperekedze vanhu vaende kwandakavaudza; tarira, mutumwa wangu achakutungamirira, asi nomusi wandicharova nawo, ndichavarova nokuda kwezvivi zvavo.
35Jehovha akarova vanhu, nekuti vakanga vaita mhuru yakaitwa naAroni.