1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, Ibva pano, kwira, iwe navanhu vawakabudisa munyika yeEgipita, muende kunyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakove, ndichiti, ndichaipa vana vako;
2ndichatuma mutumwa pamberi penyu, kuti ndidzinge vaKanani, navaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, naJebhusi,
3muende kunyika inoyerera mukaka nouchi, nekuti ini handingakwiri pakati penyu, nekuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira.
4Zvino vanhu vakati vachinzwa mashoko iwayo akaipa, vakachema; kwakanga kusina munhu wakashonga zvishongo zvake.
5lpapo Jehovha akati kuna Mozisi, Uti kuvana valsiraeri, Muri vanhu vane mitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu chinguva chimwe chiduku-duku, ndingakuparadzai; naizvozvo bvisai zvishongo zvenyu zvino, ndizive chandingakuitirai.
6Ipapo vana valsiraeri vakabvisa zvishongo zvavo kubva pagomo reHorebhu.
7Zvino Mozisi waisitora tende, achindoridzika kunze kwemisasa, kure nemisasa, akaritumidza zita rinonzi, Tende rokusangana. Zvino mumwe nomumwe waitsvaka Jehovha, waibudira kutende rokusangana, rakanga riri kunze kwemisasa.
8Zvino kwaiti kana Mozisi obudira kutende, vanhu vose vaisimuka, vakamira mumwe nomumwe pamukova wetende rake, vakaramba vakatarira Mozisi kusvikira apinda mutende.
9Zvino kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaJehovha yaiburuka ikamira pamukova wetende, Jehovha akataura naMozisi.
10Vanhu vose vakaona shongwe yegore imire pamukova wetende, vanhu vose vakasimuka, vakanamata pasi mumwe nomumwe pamukova wetende rake.
11Ipapo Jehovha waitaura naMozisi zviso zvakatarisana, somunhu anotaurirana neshamwari yake. Zvino wodzokerazve kumisasa; asi muranda wake Joshua, mwanakomana waNuni, mujaya, haazaibva patende.
12Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, Tarirai, makati kwandiri, Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni, kunyange makati, Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.
13Zvino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu; rangariraiwo kuti rudzi urwu ndivanhu venyu.
14Jehovha akati, Ini ndimene ndichaenda newe, ndikupe zororo.
15Akati kwaari, Kana imwi mumene musingaendi neni, regai henyu kutibvisa pano.
16Nekuti zvichazikamwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini navanhu venyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigova vakatsaurwa, ini navanhu venyu pakati pavamwe vanhu vose vapanyika dzose here?
17Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nekuti wawana nyasha pamberi pangu, ndinokuziva nezita rako.
18Iye akati, Dondiratidzai henyu kubwinya kwenyu.
19Jehovha akati, Ndichapfuudza kunaka kwangu kose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako, asi ndichanzwira nyasha wandinoda kunzwira nyasha, ndichanzwira tsitsi wandinoda kunzwira tsitsi.
20Akatiwo, Haungaoni chiso changu, nekuti hakuna munhu angandiona, akazorarama.
21Jehovha akatiwo, Tarira pane nzvimbo kuno kwandiri, ungamira pabwe.
22Zvino kana kubwinya kwangu kopfuura, ndichakupinza mumukana webwe, ndigokufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura;
23ipapo ndichabvisa ruoko rwangu, ugondiona necheshure; asi chiso changu hachionekwi.