1Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Zvivezere mabwendefa maviri amabwe akafanana nookutanga, kuti ndinyore pamabwendefa mashoko aya akanga ari pamabwendefa okutanga awaputsa.
2Gara wazvigadzira mangwanani, ukwire mugomo reSinai mangwanani, umire pamberi pangu pamusoro pegomo.
3Asi mumwe munhu ngaarege kukwira newe, uye ngakurege kuonekwa munhu pagomo rose, namakwai nemombe ngazvirege kufura pamberi pegomo iri.
4Ipapo Mozisi akaveza mabwendefa maviri akafanana nookutanga, akamuka mangwanani, akakwira mugomo reSinai, sezvaakanga arairwa naJehovha, akabata mabwendefa maviri muruoko rwake.
5Jehovha akaburuka ari mugomo, akamirapo naye, akadana zita raJehovha.
6Jehovha akapfuura pamberi pake, akadanidzira, achiti, Jehovha, Jehovha, Mwari azere nyasha netsitsi, anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru nechokwadi,
7anochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, anovakangamwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu ane mhosva, anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.
8Ipapo Mozisi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akapfugama.
9Akati, Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ngaafambe pakati pedu, nekuti vanhu ava vane mitsipa mikukutu; tikangamwirei henyu zvakaipa zvedu nezvivi zvedu, mutigamuchirei, tive nhaka yenyu.
10Jehovha akati, Tarira, ndinoita sungano newe; ndichaita pamberi pavanhu vako zvinoshamisa, zvisina kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti vanhu vose vauri pakati pavo vaone basa raJehovha, nekuti ndinoita chinhu chinotyisa newe.
11Rangarira zvandinokuraira nhasi: Tarira, ndodzinga pamberi pako vaAmori, navaKanani, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi.
12Chenjera kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo kwaunoenda, kuti zvirege kuva musungo kwauri;
13asi munofanira kuputsa aritari dzavo, nokuputsanya mabwe emifananidzo yavo, nokutema matanda avo avanonamata nawo;
14nekuti usapfugamira vamwe vamwari, nekuti Jehovha, ane zita rinonzi Anegodo, ndiMwari anegodo;
15kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo, zvino kana ivo vopata vachitevera vamwari vavo, vachibayira vamwari vavo, mumwe akudane kuti udye nyama yezvibayiro zvake;
16iwe ukatorera vanakomana vako vakunda vavo, zvino kana vakunda vavo vopata vachitevera vamwari vavo, vapatise vanakomana vakowo vatevere vamwari vavo.
17Usazviitira vamwari vakaumbwa.
18Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa. Unofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira nenguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi, nekuti wakabuda paEgipita pamwedzi weAbhibhi.
19Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro ndezvangu, napazvipfuwo zvako zvikono zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana pamombe kana pamakwai;
20mwana wokutanga wedhongi unofanira kuudzikunura negwayana; kana usingadi kuudzikunura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo. Matangwe ose pavanakomana vako unofanira kuvadzikunura. Kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu.
21Unofanira kubata mazuva matanhatu, asi nezuva rechinomwe uzorore, nenguva yokurima neyokukohwa uzorore.
22Unofanira kurangarira mutambo wamavhiki, wezvitsva zvekoroni inokohwiwa, nomutambo wokuunganidza pakupera kwegore.
23Varume vako vose ngavauye pamberi paShe Mwari, iye Mwari waIsiraeri, katatu negore.
24Nekuti ndichadzinga ndudzi pamberi pako, ndikurise miganhu yako; hakungavi nomunhu achachiva nyika yako, kana achikwira katatu pagore kuti azviratidze pamberi paJehovha, Mwari wako.
25Usauya neropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa, uye chibayiro chomutambo wePasika ngachirege kuvata usiku kusvikira mangwana.
26Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
27Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Nyora mashoko iwaya, nekuti ndaita sungano newe navaIsiraeri sezvinoreva mashoko iwaya.
28Akavako kuna Jehovha mazuva ana makumi mana nousiku unamakumi mana; wakange asingadyi zvokudya kana kumwa mvura. Akanyora pamabwendefa mashoko esungano, iyo mirairo ine gumi.
29Zvino Mozisi wakati achiburuka mugomo reSinai, Mozisi akabata mabwendefa maviri echipupuriro mumaoko ake, Mozisi wakange asingazivi, achiburuka mugomo, kuti ganda rechiso chake rakanga richibwinya zvaakanga ataura naye.
30Zvino Aroni navana vaIsiraeri vose vakati vachiona Mozisi, vakaona ganda rechiso chake richibwinya, vakatya kuswedera kwaari;
31ipapo Mozisi akavadana, Aroni navakuru vose veungano vakadzokera kwaari, Mozisi akataura navo.
32Pashure vana vaIsiraeri vose vakaswedera, iye akavaraira zvose zvaakanga audzwa naJehovha pagomo reSinai.
33Zvino Mozisi wakati apedza kutaura navo akaisa chifukidzo pachiso chake.
34Asi kana Mozisi opinda pamberi paJehovha kundotaura naye, waibvisa chifukidzo kusvikira achibuda; zvino wobuda, ndokuudza vana vaIsiraeri zvarairwa.
35Vana vaIsiraeri vakaona chiso chaMozisi, kuti ganda rechiso chaMozisi raibwinya; zvino Mozisi wodzoserazve chifukidzo pachiso chake, kusvikira opinda kundotaura naye.