1Zvino Mozisi wakaunganidza ungano yose yavana vaIsiraeri, akati kwavari, Ndiwo mashoko akarairwa naJehovha kuti muaite.
2Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe rinofanira kuva kwamuri zuva dzvene, sabata rokuzorora kwazvo pamberi paJehovha; ani naani anobata basa ripi neripi naro, ngaaurawe.
3Regai kuvesa moto padzimba dzenyu dzose nezuva resabata.
4Mozisi akataura neungano yose yavana vaIsiraeri, akati, Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha, achiti,
5Ripirai Jehovha chipo pazvinhu zvenyu; ani naani ane moyo unoda, ngaauye nacho, chive chipo chaJehovha, zvinoti: Ndarama, nesirivha, nendarira,
6nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,
7namatebwe amakondobwe akazodzwa zvitsvuku, namatebwe amatenhe, namatanda omuakasia,
8namafuta omwenje, nezvinonhuhwira zvamafuta okuzodza, noupfu hunonhuhwira,
9nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva.
10Varume vose pakati penyu vane moyo yakachenjera ngavauye, vaite zvose zvakarairwa naJehovha;
11zvinoti: Tabhenakeri netende rayo, nechifukidzo chayo, nezvikorekedzo zvayo, namapuranga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo;
12neareka, namatanda ayo, nechifunhiro chokuyananisa, nechidzitiro chinodzitira,
13netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza,
14nechigadziko chemwenje yokuvheneka nayo, nenhumbi dzacho, nemwenje yacho, namafuta okuvhenekesa nawo,
15nearitari yezvinonhuhwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noupfu hunonhuhwira, nechidzitiro chomukova pamukova wetabhenakeri,
16nearitari yezvipiriso zvinopiswa, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo,
17nezvidzitiro zvoruvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuwo roruvanze,
18nembambo dzetabhenakeri, nembambo dzoruvanze, netambo dzadzo,
19nenguvo dzakarukwa zvakanaka dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguvo tsvene dzaAroni mupristi, nenguvo dzavanakomana vake dzokushumira nadzo pabasa roupristi.
20Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva kuna Mozisi,
21vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguvo tsvene.
22Vakauya varume navakadzi, vose vaiva nemoyo yakanga ichida, vakauya nezvikorekedzo, nezvindori zvenzeve, nezvindori zvokusimbisa, nezvishongo zvamaoko, nezvishongo zvose zvendarama; mumwe nomumwe wakavigira Jehovha chipo chendarama.
23Murume mumwe nomumwe waiva nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi, namatebwe amakondobwe akazodzwa zvitsvuku, namatebwe amatenhe, wakauya nazvo.
24Mumwe nomumwe waigona kuripa chipo chesirivha nechendarira wakauya nechipo chaJehovha; mumwe nomumwe waiva namatanda omuakasia, avaigona kubata nawo, wakauya nawo.
25Vakadzi vose vaiva nemoyo yakangwara vakaruka namaoko avo, vakauya nezvavakaruka, zvaiti: Zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka.
26Vakadzi vose vakanga vamutswa nemoyo yavo kuva vakachenjera vakaruka mvere dzembudzi.
27Navakuru vakauya nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi, napahombodo yechipfuva,
28nemiti inonhuhwira, namafuta okuvhenekesa nawo, nezvokuzodza nazvo, noupfu hunonhuhwira.
29Vana vaIsiraeri vakauya nemoyo yavo nezvipo zvokupa Jehovha; murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe waitendiswa nomoyo wake kuti avigire zvokubata nazvo basa rose rakanga rarairwa naJehovha, kuti riitwe naMozisi.
30Zvino Mozisi akati kuvana vaIsiraeri, Tarirai, Jehovha wakadana nezita rake Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
31akamuzadza noMweya waMwari ave nokuchenjera, nokunzwisisa, nokuziva kose, nokugona marudzi ose amabasa,
32kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,
33nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona kubata mabasa ose oumhizha.
34Akaisa mumoyo make uchenjeri hwokudzidzisa vamwe, iye naOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani.
35Akavazadza nokuchenjera komoyo, kuti vagone kubata mabasa ose omuvezi wamabwe, neemhizha, naavasoni vezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, naavaruki vanobata mabasa ose, naavose vanofunga mano amabasa oumhizha.