1Zvino Bhezareri naOhoriabhu vanofanira kubata basa pamwechete navarume vose vane moyo yakangwara, vakapiwa naJehovha kuchenjera nokunzwisisa kuti vazive kubata mabasa ose okushuma panzvimbo tsvene, zvose zvakarairwa naJehovha
2Zvino Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu, navarume vose vaiva nemoyo yakangwara, vakapiwa kuchenjera mumoyo yavo naJehovha, vose vakanga vamutswa nemoyo yavo, kuti vauye kuzobata basa;
3vakapiwa naMozisi zvipo zvose zvakanga zvauyiswa navana vaIsiraeri, zvokubatisa nazvo basa rokushuma panzvimbo tsvene. Asi ivo vakaramba vachiuya nemoyo yavo kwaari mangwanani ose nezvipo zvavo.
4Zvino varume vose vakachenjera, vakanga vachibata mabasa ose enzvimbo tsvene, vakabva mumwe nomumwe pabasa rake raakanga achiita,
5vakataura naMozisi, vachiti, Vanhu vanouya nezvakawandisa kupfuura zvinokwana kuita basa rakarairwa naJehovha kuti riitwe.
6Mozisi akaraira kuti shoko riparidzwe kumisasa, rokuti, Kunyange murume kana mukadzi ngaarege kuzoitazve basa rimwe nezvipo zvokupa nzvimbo tsvene. Naizvozvo vanhu vakadziviswa kuzouya nezvimwe.
7nekuti zvavakanga vanazvo, zvakakwanira mabasa ose avaifanira kuita, zvimwe zvikasara.
8Zvino varume vose vaiva nemoyo yakangwara pakati pavabati vakaita tabhenakeri namachira ane gumi; vakazviita nemicheka yakarukwa yakaisvonaka, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, zvinamakerubhi; raiva basa romubati waigona kubata.
9Kureba kwejira rimwe kwaiva makubhiti makumi maviri namasere, noupamhi bwejira rimwe makubhiti mana; machira ose akanga akaenzana.
10Akabatanidza machira mashanu pamwechete, namamwe machira akaabatanidza pamwechetezve.
11Akaita zvishwe zvitema pamupendero wejira rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete; akaitawo saizvozvo pamupendero wejira rokupedzisira pana mamwe akabatanidzwa pamwechete.
12Akaitawo zvishwe zvina makumi mashanu pajira rimwe, nezvishwe zvina makumi mashanuzve pamupendero wejira ramamwe akabatanidzwa pamwechete; zvishwe zvakanga zvakatarisana.
13Akaitawo zvikorekedzo zvendarama zvina makumi mashanu, akabatanidza machira nezvikorekedzo izvozvo, naizvozvo tabhenakeri ikava chinhu chimwe chete.
14Akaitawo machira emvere dzembudzi, rikava tende pamusoro petabhenakeri; akaita machira ane gumi nerimwe.
15Kureba kwejira rimwe nerimwe kwaiva makubhiti ana makumi matatu, noupamhi bwejira rimwe nerimwe makubhiti mana; machira ane gumi nerimwe akanga akaenzana.
16Akabatanidza machira mashanu pamwechete, namachira matanhatu pamwechetezve;
17akaita zvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete, nezvimwe zvishwe zvina makumi mashanuzve pamupendero wejira rokupedzisira pana mamwe akabatanidzwa pamwechetezve.
18Akaitawo zvikorekedzo zvina makumi mashanu zvendarira zvokubatanidza tende, kuti chive chinhu chimwe chete.
19Akaitirawo tende chifukidzo chamatebwe amakondobwe akazodzwa muti mutsvuku, nechifukidzo chamatebwe amatenhe pamusoro paizvozvo.
20Akaitirawo tabhenakeri mapuranga omuakasia akamiswa.
21Kureba kwepuranga rimwe kwaiva makubhiti ane gumi, noupamhi bwepuranga rimwe nerimwe hwaiva kubhiti rimwe nehafu.
22Puranga rimwe nerimwe rakaitirwa zvibato zviviri zvakabatanidzwa; akaita mapuranga ose etabhenakeri saizvozvo.
23Akaita mapuranga etabhenakeri ana makumi maviri okurutivi rwezasi, akatarira zasi.
24Akaitawo zvigadziko zvesirivha zvina makumi mana pasi pamapuranga ana makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri.
25Akaita mapuranga ana makumi maviri kurutivi rwechipiri rwetabhenakeri kurutivi rwokumusoro,
26nezvigadziko zvawo zvesirivha zvina makumi mana, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe, nezvigadziko zviviri pasi perimwe purangazve.
27Akaitawo mapuranga matanhatu kurutivi rwemberi rwetabhenakeri kumavirazuva.
28Akaitawo mapuranga maviri kumakona etabhenakeri kurutivi rwemberi.
29Akanga akaita maviri nechenyasi; saizvozvozve akanga akaita maviri akabatanidzwa kusvikira kumusoro kuchindori chokutanga; saizvozvo akaaitira ose maviri pamakona maviri.
30Akava mapuranga masere ane zvigadziko zvawo zvesirivha, zvikava zvigadziko zvine gumi nezvitanhatu, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.
31Akaitawo mbariro dzomuakasia, shanu dzamapuranga orumwe rutivi rwetabhenakeri,
32nembariro shanuzve dzamapuranga etabhenakeri kurutivi rwemberi kumavirazuva.
33Akaitawo rumbariro rwapakati rwaiva pakati pamapuranga rwaibva kuno rumwe rutivi rukandosvikira kuno rumwe rutivi.
34Akafukidza mapuranga nendarama, akaita zvindori zvawo zvendarama, kuti mbariro dzigarepo, akafukidzawo mbariro nendarama.
35Akaitawo chidzitiro nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; akachiita namakerubhi, rikava basa romunhu anogona.
36Akachiitira mbiru ina dzomuakasia, akadzifukidza nendarama; zvikorekedzo zvadzo zvakanga zviri zvendarama, akadziumbirawo zvigadziko zvina zvesirivha.
37Akaitirawo mukova wetende chidzitiro chezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; rakanga riri basa romusoni anogona.
38Uye mbiru dzacho shanu nezvikorekedzo zvadzo; akafukidza misoro yadzo nezvindori zvadzo nendarama; nezvigadziko zvadzo zvakanga zviri zvendarira.