1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2Nomusi wokutanga womwedzi unofanira kumisa tabhenakeri netende rokusangana.
3Unofanira kuisa mukati mayo areka yechipupuriro, nokudzitira areka nechidzitiro.
4Upinzewo tafura, nokugadzira zvinhu zvinofanira kuva pamusoro payo; upinzewo chigadziko chemwenje, ugotungidza mwenje yacho.
5Uisewo aritari yendarama yezvinonhuhwira pamberi peareka yechipupuriro, ugoisa chidzitiro chomukova wetabhenakeri.
6Zvino uisewo aritari yezvibayiro zvinopiswa pamberi pomukova wetabhenakeri yetende rokusangana.
7Uisewo mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana nearitari, ugodira mvura mukati mawo.
8Zvino ugadzirewo ruvanze nokurembedza chidzitiro chesuwo roruvanze.
9Utorewo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabhenakeri nawo, nezvose zviri mukati mayo; ugoitsaura, iyo nezvose zvirimo, kuti chive chinhu chitsvene.
10Uzodzewo aritari nezvibayiro zvinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure aritari, aritari chive chinhu chitsvene-tsvene.
11Uzodzewo mudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, uutsaure.
12Zvino uswededze Aroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura.
13Ipapo ufukidze Aroni nguvo tsvene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire pabasa roupristi.
14Uswededzewo vanakomana vake, ugovafukidza nguvo.
15Uvazodze, sezvawazodza baba vavo, kuti vandishumire pabasa roupristi; kuzodzwa kwavo kunofanira kuva kwavari upristi nokusingaperi, kusvikira kumarudzi avo ose.
16Mozisi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arairwa naJehovha, wakazviita saizvozvo.
17Tabhenakeri ikamiswa nomwedzi wokutanga wegore rechipiri nomusi wokutanga womwedzi.
18Mozisi akamisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko zvayo, akamisa mapuranga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo.
19Akawarira tende pamusoro petabhenakeri, akaisa chifukidzo chetende pamusoro payo, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
20Akatora chipupuriro, akachiisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka;
21akapi nza areka mutabhenakeri, akarembedza chidzitiro chokudzitira nacho, akadzitira areka yechipupuriro; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
22Akaisa tafura mutende rokusangana, kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro, kunze kwechidzitiro.
23Akagadzirawo chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
24Akaisa chigadziko chemwenje mutende rokusangana, chakatarisana netafura, kurutivi rwetabhenakeri nechenyasi.
25Akatungidza mwenje pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
26Akaisa aritari yendarama mutende rokusangana pamberi pechidzitiro;
27akapisirapo zvinonhuhwira zvemiti yakanaka, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
28Akagadzira zvirembedzwa zvomukova wetabhenakeri.
29Akaisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pamukova wetabhenakeri yetende rokusangana, akapisira pamusoro payo chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
30Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana nearitari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo.
31Ipapo Mozisi naAroni navanakomana vake vakashamba maoko avo netsoka dzavopo;
32pakupinda kwavo mutende rokusangana, napakuswedera kwavo kuaritari, vaishamba, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
33Akagadzirawo ruvanze rwaipoteredza tabhenakeri nearitari, akarembedza chidzitiro chesuwo roruvanze. Naizvozvo Mozisi akapedza basa rose.
34Ipapo gore rakafukidza tende rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukazadza tabhenakeri.
35Mozisi akasagona kupinda mutende rokusangana, nekuti gore rakaramba rigere pamusoro paro uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza tabhenakeri.
36Zvino kana gore rokwidzwa richibva pamusoro petabhenakeri, vana vaIsiraeri vakapfuura vachifamba nzendo dzavo dzose.
37Asi kana gore risina kukwidzwa, havana kufamba, kusvikira musi warinozokwidzwa.
38nekuti gore raJehovha rakanga riri pamusoro petabhenakeri masikati, nomoto waiva mariri usiku, pamberi pavose veimba yaIsiraeri panzendo dzavo dzose.