1Zvino Jehovha wakadana Mozisi, akataura naye ari mutende rokusangana, akati,
2Taura navana vaIsiraeri, uti, kwavari, Kana mumwe wenyu achida kuvigira Jehovha chipo chake, munofanira kumuvigira zvipo zvenyu zvezvipfuwo, kana zvemombe kana zvamakwai.
3Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chemombe, anofanira kuvigira mukono usina mhosva; ngaachibayire pamukova wetende rokusangana, kuti agamuchirwe pamberi paJehovha.
4Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire.
5Ngaabaye nzombe pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni, vapristi, vagouya neropa, vasase ropa kunhivi dzose dzearitari, iri pamukova wetende rokusangana.
6Zvino ngaavhiye chipiriso chinopiswa, nokuchigura-gura.
7Zvino vanakomana vaAroni, mupristi, ngavaise moto paaritari, nokugadzirawo huni pamusoro pomoto.
8Ipapo vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kugadzira nhindi, nomusoro, namafuta pamusoro pehuni dziri pamoto uri pamusoro pearitari.
9Asi ngaasuke ura hwacho namakumbo acho nemvura, mupristi agopisa zvose paaritari, chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
10Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chezvipfuwo zviduku zvamakwai kana mbudzi, anofanira kuvigira mukono usina mhosva.
11Ngaachibaye parutivi rwearitari nechokumusoro pamberi paJehovha; zvino vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kusasa ropa racho kunhivi dzose dzearitari.
12Ipapo anofanira kugura-gura nhindi pamwechete nomusoro wacho namafuta acho, mupristi agozvigadzira pamusoro pehuni dziri pamoto pamusoro pearitari.
13Asi ura namakumbo ngaazvisuke nemvura, mupristi agozvibayira zvose, nokuzvipisira paaritari, kuti chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
14Kana chipo chake kuna Jehovha chiri chipiriso chinopiswa cheshiri, ngaavigire chibayiro chake chenjiva, kana twana twenjiva.
15Zvino mupristi anofanira kuchiisa paaritari, agodonhedzera ropa racho parutivi rwearitari;
16zvino anofanira kutora chihururu chayo neminhenga yayo, ndokuzvirasa kurutivi rwearitari kumabudazuva kunoraswa madota.
17Ipapo anofanira kuibvambura namapapiro ayo asingaiparadzanisi, mupristi agoipisa paaritari pamusoro pehuni dziri pamoto; icho chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.