Swahili: New Testament

Shona

Psalms

68

1Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe; vanomuvenga ngavatize pamberi pake.
2Muvadzinge, sokudzingwa koutsi; Sokunyauka kwenamo pamoto, Saizvozvo vakaipa ngavapere pamberi paMwari.
3Asi vakarurama ngavafare; ngavafare kwazvo pamberi paMwari; Ngavafare nokufara kukuru.
4Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; Mumusimudzire, iye unotasva achipfuura nemurenje; Zita rake ndiJehovha; farai kwazvo pamberi pake.
5Baba venherera, nomutongi wemhosva dzechirikadzi, Ndiye Mwari paugaro hwake hutsvene.
6Vakanga vari voga, Mwari anovagarisa pamhuri; Anobudisira vasungwa kumufaro; Asi vanomumukira vanogara panyika yakaoma.
7Mwari, panguva yamakatungamirira vanhu venyu, Panguva yokufamba kwenyu murenje;
8Pasi pakabvunda, Kudenga-denga kwakadonha pamberi paMwari; Nairo Sinai rakabvunda pamberi paMwari, iye Mwari waIsiraeri.
9imwi Mwari makanisa mvura zhinji, Makasimbisa nhaka yenyu panguva yokuneta kwayo.
10Ungano yenyu yakagaramo; imwi Mwari makagadzirira varombo zvakanaka zvenyu.
11Ishe akataura shoko, Vakadzi vakaparidza shoko vaiva
12Madzimambo ehondo anotiza, Mukadzi akasara kumusha ndiye anogovera zvakapambwa.
13Kana imwi movata pasi pakati pezvirugu zvamakwai, Zvakafanana namapapiro enjiva akafukidzwa nesirivha, Neminhenga yakafukidzwa nendarama tsvuku.
14Panguva iyo waMasimbaose yaakaparadza madzimambomo, Zvakafanana nokuwa kwechando paZarimoni.
15Gomo reBhashani igomo raMwari; Gomo reBhashani igomo refu-refu.
16imwi makomo marefu, munogodorerei Iro gomo rakadikamwa naMwari kuti agare mariri? Jehovha achagara mariri nokusingaperi.
17Ngoro dzaMwari dzinosvika zviuru zvina makumi maviri, zviuru zvezviuru zvamazana; Ishe ari pakati padzo, sezvaakaita paSinai, panzvimbo tsvene.
18Makakwira kumusoro, mukatapa vatapwa venyu; Makagamuchira zvipo pakati pavanhu Zvirokwazvo pakati pavakakumukiraiwo, kuti Jehovha Mwari agare navo.
19Ishe ngaavongwe, iye anotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe, Iye Mwari muponesi wedu.
20Mwari ndiye Mwari anotirwira; Jehovha Ishe ndiye ane nzira dzokubuda murufu.
21Asi Mwari achatema misoro yavavengi vake, Paganda romusoro rine vhudzi romunhu anorambira pakutadza kwake.
22Ishe akati, Ndichavadzosa paBhashani, Ndichavadzosazve pagungwa rakadzika;
23Kuti unyike rutsoka rwako muropa, Kuti ndimi dzembwa dzako dzive nomugove wadzo pavavengi vako.
24Vakaona mafambiro enyu, Mwari, Mafambiro aMwari wangu, Mambo wangu, achipinda panzvimbo tsvene.
25Vaimbi vakatungamira, varidzi vemitengeramwa vakatevera, Pakati pavasikana vakanga vachiridza makandira.
26Rumbidzai Mwari paungano, Iye Ishe, iyemi vetsime raIsiraeri.
27Bhenjamini muduku, mubati wavo, aripo, Namachinda aJudha navazhinji vavo, Namachinda aZebhuruni, namachinda aNafutari.
28Mwari wako akaraira simba rake; Simbisai, Mwari, izvo zvamakatiitira.
29Nokuda kwetemberi yenyu paJerusaremu Madzimambo achakuvigirai zvipo.
30Tukai chikara chetsanga, Hando zhinji, nemhuru dzendudzi dzavanhu, Vazviwisire pasi petsoka nemari yesirivha; Muparadzire vanhu vanofarira kurwa.
31Machinda achabuda Egipita; Itiopia ichakurumidza kutambanudza maoko ayo kuna Mwari.
32Imbirai Mwari, imwi ushe hwapasi; Imbirai Ishe nziyo dzokurumbidza.
33Iye anotasva padenga rokudenga-denga, iro rakare nakare; Inzwai, anobudisa inzwi rake, inzwi rine simba.
34Ipai Mwari simba; Ukuru hwake huri pamusoro paIsiraeri, Simba rake riri mumakore.
35imwi Mwari munotyisa panzvimbo dzenyu tsvene; Mwari waIsiraeri ndiye anopa vanhu vake simba noushe. Mwari ngaavongwe.