Swahili: New Testament

Shona

Psalms

69

1Ndiponesei, Mwari, nekuti mvura zhinji yasvikira pamweya wangu.
2Ndinonyura munhope yakadzika, pokumira Ndakasvika pamvura zhinji yakadzika, pandinofukidzwa nenzizi.
3Ndaneta nokuchema kwangu; huro dzangu dzaoma; Meso angu anovava nokurindira Mwari wangu.
4Vanondivenga ndisina mhosva vazhinji kupfuura vhudzi romusoro wangu; Avo vanoda kundiparadza vane simba, kunyange vachindivenga ndisina mhosva; Ndakafanira kudzosera zvandinenge ndisina kutora.
5Mwari munoziva upenzi hwangu; Mhosva dzangu hadzina kukuvanzirwai.
6Ishe Mwari wehondo, vanokurindirai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu; Mwari waIsiraeri, vanokutsvakai ngavarege kuzvidzwa nokuda kwangu.
7Nekuti ndakatenda kushorwa nokuda kwenyu; Kunyadza kwakafukidza chiso changu.
8Ndakava mutorwa kuhama dzangu, Nomubvakure kuvana vamai vangu.
9Nekuti kushingairira imba yenyu kwakandipedza; Nokushora, kwavanokushorai kwakawira pamusoro pangu.
10Panguva yokuchema kwangu nokutambudza mweya wangu ndichizvinyima, Ndakashorwa nokuda kwazvo.
11Panguva yandakafuka masaga ndikaaita nguvo dzangu, Ndakava shumo pakati pavo.
12Vanogara pasuwo vanondireva; Ndiri chiimbo chavakabatwa nedoro.
13Asi kana ndirini, munyengetero wangu uri kwamuri, Ishe, panguva yakafanira; Mwari, netsitsi dzenyu zhinji Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka.
14Ndirwirei munhope, ndirege kunyura; Ndirwirwe kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika.
15Boporodzi remvura rirege kundikunda, Mvura yakadzika irege kundimedza; Gomba rirege kuzarira muromo waro pamusoro pangu.
16Ndipindurei, Jehovha; nekuti unyoro bwenyu hwakanaka; Ringirai kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji.
17Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; nekuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura.
18Swederai kumweya wangu, muudzikunure; Ndidzikunurei nokuda kwavavengi vangu.
19Munoziva kushorwa kwangu, nokunyadzwa kwangu: nokuzvidzwa kwangu Vadzivisi vangu vose vari mberi kwangu.
20Kushora kwakaputsa moyo wangu; ndaremerwa kwazvo; Ndakatsvaka vangandinzwira nyasha, asi kwakanga kusino munhu; Ndakatsvaka vavaraidzi, asi handina kuwana nomumwe.
21Vakandipa nduru zvive zvokudya zvangu; Pakunzwa nyota kwangu vakandimwisa vhiniga.
22Tafura yavo ngaive musungo pamberi pavo; Neriva, kana vakagarika havo.
23Meso avo ngaapofumadzwe, varege kuona, Zviuno zvavo ngazvirambe zvichiguda-guda.
24Dururai kutsamwa kwenyu pamusoro pavo, Hasha dzenyu dzinopfuta, ngadzivabate.
25Ugaro hwavo ngahuparadzwe; Ngakurege kuva nomunhu anogara pamatende avo.
26Nekuti vanotambudza uyo wamakarova; Vanotaura zvokurwadziwa kwavaya vamakakuvadza.
27Wedzerai zvakaipa pazvakaipa zvavo; Ngavarege kupinda pakururama kwenyu.
28Ngavadzimwe parugwaro rwoupenyu, Varege kunyorwa pamwechete navakarurama.
29Asi ini ndiri murombo, ndinorwadziwa; Kuponesa kwenyu, Mwari, ngakundiise pakakwirira.
30Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, Ndichamukudza nokuvonga.
31Izvo zvichafadza Jehovha kupfuura nzombe, Kana hando ine nyanga namahwanda.
32Vanyoro vakazviona vakafara; imwi munotsvaka Mwari, moyo yenyu ngairarame.
33Nekuti Jehovha anonzwa vashaiwi, Haashori vasungwa vake.
34Kudenga napasi ngazvimurumbidze, Makungwa, nezvose zvinopfakanyikamo.
35Nekuti Mwari achaponesa Ziyoni, nokuvaka maguta aJudha, Vachagaramo, ive nhaka yavo.
36Ichava nhaka yavana vavaranda vake; Vanoda zita rake vachagaramo.