Swahili: New Testament

Shona

Psalms

71

1Jehovha, ndinovimba nemi; Ngandirege kutongonyadziswa.
2Ndirwirei mukururama kwenyu, ndisunungurei; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, mundiponese.
3Ivai dombo rangu mandingagara, kwandingaramba ndichienda; Makaraira kuti ndiruramisirwe; nekuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.
4Ndisunungurei, Mwari wangu, paruoko rwowakaipa, Paruoko rwousina kururama nomunhu anomanikidza.
5Nekuti imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; Ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu.
6Ndakatsigirwa nemwi kubva pachizvaro; Ndimi makandibudisa padumbu ramai vangu; Ndichakurumbidzai.
7Ndiri chishamiso kuna vazhinji; Asi imwi muri utiziro hwangu hwakasimba.
8Muromo wangu uchazadzwa nerumbidzo yenyu, Nekudzo yenyu zuva rose.
9Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu; Musandisiya kana ndapera simba.
10Nekuti vavengi vangu vanondireva; Vanogarira mweya wangu, vanorangana,
11Vachiti, Mwari amusiya; Teverai, mumubate; nekuti hakuna ungamurwira.
12Mwari, regai kuva kure neni; Mwari wangu, kurumidzai kundibatsira.
13Avo vanodzivisa mweya wangu ngavanyadziswe vapere; Vanotsvaka kundikuvadza ngavafukidzwe nokushorwa nokuzvidzwa.
14Asi ini ndicharamba ndichitarira, Ndicharamba ndichiwedzera kukurumbidzai.
15Muromo wangu uchareva kururama kwenyu, Nokuponesa kwenyu zuva rose, nekuti handizivi kuwanda kwazvo.
16Ndichauya namabasa ane simba raShe aJehovha; Ndichaparidza kururama kwenyu, iko kwenyu koga.
17Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu; Kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa.
18Haiwa, kusvikira ndakwegura ndachena vhudzi, Mwari regai kundisiya; Kusvikira ndadudzira simba renyu kurudzi runouya, Nesimba renyu kunomumwe nomumwe anozouya.
19Kururama kwenyuwo, Mwari, kuri kumusoro-soro; Iyemi makaita zvinhu zvikuru, Mwari, ndianiko akafanana nemi?
20Iyemi makatiratidza madambudzo mazhinji akaipa, Ndimi muchatiraramisazve, Nokutikwidzazve tibve pakudzika kwapasi.
21Wedzerai hukuru hwangu, Dzokaizve mundinyaradze.
22Ndichakurumbidzaiwo nemitengeramwa, Naiyo chokwadi chenyu, Mwari wangu; Ndichakuimbirai imwi nziyo dzokurumbidza nembira, Iyemi Mutsvene walsiraeri.
23Miromo yangu ichafara kwazvo kana ndichikuimbirai nziyo dzokurumbidza; Nomweya wangu wamakadzikunura.
24Rurimi rwanguvo ruchataura zuva rose zvokururama kwenyu, nekuti vanotsvaka kundikuvadza vanyadziswa, vazvidzwa.