Swahili: New Testament

Shona

Psalms

72

1Ipai mambo zvamakatonga, Mwari, Nokururama kwenyu kumwanakomana wamambo.
2Achatongera vanhu venyu nokururama, Navarombo venyu achavaruramisira.
3Makomo nezvikomo achavigira vanhu rugare,nezvikomo nekururama.
4Achatongera varombo vavanhu, Achaponesa vana vavashaiwi, Nokupwanya mumanikidzi.
5Vachakutyai kana zuva richipo, Uye kana mwedzi uchipo, kusvikira kumarudzi namarudzi.
6Achaburuka iye semvura pauswa hwakagurirwa; Semvura inonaya ichidiridza pasi.
7Nemisi yake akarurama achakura zvakanaka; Rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma.
8Achabata ushe kubva pagungwa kusvikira pagungwa, Nokubva paRwizi kusvikira kumigumo yapasi.
9Vagere pamarenje vachapfugama pamberi pake; Vavengi vake vachananzva guruva.
10Madzimambo eTarishishi neezviwi achauya nezvipo; Madzimambo eShebha neSebha vachamuvigira zvipo;
11Zvirokwazvo, madzimambo ose achawira pasi pamberi pake; Ndudzi dzose dzichamushumira.
12nekuti acharwira mushaiwi kana achidanidzira; Nomurombo asina mubatsiri.
13Achanzwira nyasha murombo nomushaiwi, Achaponesa mweya yavashaiwi.
14Achadzikunura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; Ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake;
15Iye achararama, achapiwa ndarama yeShebha; Vanhu vacharamba vachimunyengeterera; Vachamuvonga zuva rose.
16Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo; Zvibereko zvazvo zvichavhunga seRebhanoni; Vanogara paguta vachakura souswa pasi.
17Zita rake richavapo nokusingaperi; Zita rake richagara riripo panguva yose yokuvapo kwezuva; Vanhu vacharopafadzwa maari; Ndudzi dzose dzichati, Anomufaro.
18Jehovha Mwari, iye Mwari waIsiraeri, ngaarumbidzwe, Iye oga anoita zvinoshamisa.
19Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; Pasi pose ngapazadzwe nokubwinya kwenyu. Ameni, Ameni.
20Minyengetero yaDhavhidhi mwanakomana waJese yapera.