Swahili: New Testament

Shona

Psalms

73

1Zvirokwazvo Mwari anoitira Isiraeri zvakanaka, Ivo vane moyo yakachena.
2Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; Makumbo angu akanga otedzemuka.
3nekuti ndakanga ndichigodora vana manyawi, Pakuona kwangu kufara kwavakaipa.
4nekuti havatambudziki pakufa kwavo; Asi muviri wavo une simba.
5Havana njodzi savamwe vanhu; Havatambudzwi savamwe vanhu
6Saka kuzvikudza kwavo kwakafanana noruketani pamitsipa yavo; Kumanikidza kunovafukidza senguvo.
7Meso avo anobuda nokukora; Zvavanofunga pamoyo zvinofashamira;
8Vanoseka, vachireva pakuipa kwavo zvinomanikidza vamwe; Vanotaura vachizvikudza.
9Vakataurira kudenga nemiromo yavo, Ndimi dzavo dzinofamba-famba pasi.
10Saka vanhu vake vanodzokera ikoko; Vanosvinirwa mvura zhinji, mukombe uzere.
11Zvino vanoti, Mwari angaziva seiko? Wekumusoro-soro angava nokuziva here?
12Tarirai, ndizvo zvakaita vakaipa; Vanowedzera fuma yavo vachingogara vasingatamburi.
13Zvirokwazvo ndakanatsa moyo wangu pasina, Nokushambidza maoko angu ndisina mhosva;
14nekuti ndakatambudzwa zuva rose, Ndakarangwa mangwanani ose.
15Kana ndaiti, ndichataura kudai; Tarirai, ndainyengera rudzi rwavana venyu.
16Zvino ndakaramba ndichifunga kuti ndizvinzwisise, Asi zvakandiremera kwazvo;
17Kusvikira ndapinda panzvimbo tsvene yaMwari, Ndikatarira kuguma kwavo.
18Zvirokwazvo munovaisa panotedza; Munovawisira pasi kuti vaparadzwe.
19Haiwa, vanoparadzwa kamwe-kamwe! Vanopedzwa chose nezvinotyisa.
20Sezvakarotwa, kana munhu apepuka; Saizvozvo, Ishe, muchashora mufananidzo wavo, kana muchimuka.
21nekuti moyo wangu wakachema, Ndakabayiwa patsvo dzangu.
22Ndakanga ndiri benzi, ndisingazivi chinhu; Ndakanga ndakafanana nemhuka pamberi penyu.
23Kunyange zvakadaro ndinoramba ndinemwi; Makabata ruoko rwangu rworudyi.
24Muchandiperekedza nezano renyu, Ndokuzondigamuchira pakubwinya.
25Ndianiko kudenga, kana musimi? Napasi hapana wandinoda kunze kwenyu.
26Nyama yangu nomoyo wangu zvinopera; Asi Mwari ndiye dombo romoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.
27nekuti tarirai, vari kure nemwi vachapera; Makaparadza vose vakakusiyai noupombwe hwavo.
28Kana ndirini, kuswedera pedo naye ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu, Kuti ndiparidze mabasa enyu ose.