1God blessed Noah and his sons, and said to them, “Be fruitful, and multiply, and replenish the earth.
1Zvino Mwari wakaropafadza Nowa nevanakomana vake, akati kwavari: Berekanai muwande muzadze nyika.
2The fear of you and the dread of you will be on every animal of the earth, and on every bird of the sky. Everything that the ground teems with, and all the fish of the sea are delivered into your hand.
2Nekutyiwa kwenyu nekuvhundukwa kwenyu kuchava pamusoro pemhuka imwe neimwe yenyikaepamusoro peshiri imwe neimwe yedenga; chose chinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinopiwa pamaoko enyu.
3Every moving thing that lives will be food for you. As the green herb, I have given everything to you.
3Choga choga chinofamba chipenyu chichava chikafu chenyu; kunyange miriwo mitema ndakupa zvose.
4But flesh with its life, its blood, you shall not eat.
4Asi nyama, kana ine upenyu hwayo, ropa rayo, musadya.
5I will surely require your blood of your lives. At the hand of every animal I will require it. At the hand of man, even at the hand of every man’s brother, I will require the life of man.
5Zvino zvirokwazvo ropa renyu, reupenyu hwenyu, ndicharitsvaka; paruoko rwechipenyu chipi nechipi; ndicharitsvaka, neparuoko rwemunhu; paruoko rwehama yeumwe neumwe; ndichatsvaka upenyu hwemunhu.
6Whoever sheds man’s blood, his blood will be shed by man, for God made man in his own image.
6Ani naani anoteura ropa remunhu, nemunhu richateurwa ropa rake; nekuti nemufananidzo waMwari wakaita munhu.
7Be fruitful and multiply. Increase abundantly in the earth, and multiply in it.”
7As imwi berekanai, muwande, berekanai zvikuru panyika, muwande mairi.
8God spoke to Noah and to his sons with him, saying,
8Zvino Mwari wakataura kunaNowa nevanakomana vake vaiva vanaye, akati:
9“As for me, behold, I establish my covenant with you, and with your offspring after you,
9Zvino ini, tarirai, ini ndinogadza sungano yangu nemwi nembeu yenyu inokuteverai;
10and with every living creature that is with you: the birds, the livestock, and every animal of the earth with you, of all that go out of the ship, even every animal of the earth.
10nechipenyu chimwe nechimwe chinemwi, cheshiri, nezvipfuwo, nemhuka ipi neipi yenyika inemwi; zvose zvinobuda paareka, kumhuka ipi neipi yepanyika.
11I will establish my covenant with you: all flesh will not be cut off any more by the waters of the flood, neither will there ever again be a flood to destroy the earth.”
11Uye ndichamisa sungano yangu nemwi; nenyama yose haingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti iparadze nyika.
12God said, “This is the token of the covenant which I make between me and you and every living creature that is with you, for perpetual generations:
12Zvino Mwari wakati: Ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemwi nechisikwa chipenyu chose chineni kusvikira kumarudzi asingaperi.
13I set my rainbow in the cloud, and it will be for a sign of a covenant between me and the earth.
13Ndinodzika gangauta rangu wangu mugore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
14It will happen, when I bring a cloud over the earth, that the rainbow will be seen in the cloud,
14Zvino zvichaitika kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, kuti muraraungu uyu ukaonekwa mugore;
15and I will remember my covenant, which is between me and you and every living creature of all flesh, and the waters will no more become a flood to destroy all flesh.
15uye ndicharangarira sungano yangu iri pakati pangu nemwi, nechisikwa chose chipenyu chenyama, nemvura haichazovi mafashame kuti iparadze nyama yose.
16The rainbow will be in the cloud. I will look at it, that I may remember the everlasting covenant between God and every living creature of all flesh that is on the earth.”
16Zvino murarabungu uchava mugore; uye ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pakati paMwari nechisikwa chose chipenyu chenyama chiri panyika.
17God said to Noah, “This is the token of the covenant which I have established between me and all flesh that is on the earth.”
17Zvino Mwari wakati kuna Nowa: Ndicho chiratidzo chesungano yandakagadza pakati pangu nenyama yose iri pamusoro penyika.
18The sons of Noah who went out from the ship were Shem, Ham, and Japheth. Ham is the father of Canaan.
18Zvino vanakomana vaNowa vakabuda muareka vaiva: Shemu naHamu naJafeti; uye Hamu ndiye baba vaKanani.
19These three were the sons of Noah, and from these, the whole earth was populated.
19Ava vatatu vanakomana vaNowa, nyika yose yakazadzwa nevakabva kwavari.
20Noah began to be a farmer, and planted a vineyard.
20Zvino Nowa wakatanga kuva murimi, akarima munda wemuzambiringa.
21He drank of the wine and got drunk. He was uncovered within his tent.
21Zvino wakamwa waini, akadhakwa, akazvifukura pakati petende rake.
22Ham, the father of Canaan, saw the nakedness of his father, and told his two brothers outside.
22Zvino Hamu, baba vaKanani, akaona kusapfeka kwababa vake, akazivisa vanakomana vamai vake vaviri panze.
23Shem and Japheth took a garment, and laid it on both their shoulders, went in backwards, and covered the nakedness of their father. Their faces were backwards, and they didn’t see their father’s nakedness.
23Zvino Shemu naJafeti vakatora nguvo, vakaiisa pamafudzi avo, vakaenda chinhembeshure, vakapfekedza kushama kwababa vavo; uye zviso zvavo zvaiva zvakatarira shure, vakasaona kushama kwababa vavo.
24Noah awoke from his wine, and knew what his youngest son had done to him.
24Zvino Nowa wakamuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nemwanakomana wake muduku.
25He said, “Canaan is cursed. He will be servant of servants to his brothers.”
25Zvino wakati: Kanani ngaapiwe rushambwa; achava muranda wevaranda kuvanakomana vamai vake.
26He said, “Blessed be Yahweh, the God of Shem. Let Canaan be his servant.
26Zvino wkati: Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe, uye Kanani ngaave muranda wake.
27May God enlarge Japheth. Let him dwell in the tents of Shem. Let Canaan be his servant.”
27Mwari ngaakurise Jafeti, uye ngaagare mumatende aShemu, naKanani ngaave muranda wake.
28Noah lived three hundred fifty years after the flood.
28Zvino Nowa wakararama shure kwemafashame makore mazana matatu nemakumi mashanu.
29All the days of Noah were nine hundred fifty years, then he died.
29Mazuva ose Noa aiva mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu, akafa.