1Then Eliphaz the Temanite answered,
1Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,
2“Can a man be profitable to God? Surely he who is wise is profitable to himself.
2Ko munhu angabatsira Mwari here? Zvirokwazvo, munhu, akangwara, anozvibatsira hake amene.
3Is it any pleasure to the Almighty, that you are righteous? Or does it benefit him, that you make your ways perfect?
3waMasimbaose une hanya nokururama kwako here? Iye angabatsirwa nazvo kana iwe ukakwanisa nzira dzako here?
4Is it for your piety that he reproves you, that he enters with you into judgment?
4Iye anokuraira zvaunomutya here? Kuti akutonge here?
5Isn’t your wickedness great? Neither is there any end to your iniquities.
5Zvakaipa zvako hazvizakakura here? Zvisina kururama zvako hazviperi.
6For you have taken pledges from your brother for nothing, and stripped the naked of their clothing.
6nekuti wakatora rubatso kuhama yako pasina Wakakusunungura nguvo dzavakanga vasina kufuka.
7You haven’t given water to the weary to drink, and you have withheld bread from the hungry.
7Hauna kupa vane nyota mvura kuti vamwe, Wakanyima vane nzara zvokudya.
8But as for the mighty man, he had the earth. The honorable man, he lived in it.
8Asi munhu ane simba, nyika ndeyake; Munhu anokudzwa, ndiye akagara mairi.
9You have sent widows away empty, and the arms of the fatherless have been broken.
9Akadzinga chirikadzi dzisine chinhu, Maoko enherera akavhuniwa.
10Therefore snares are around you. Sudden fear troubles you,
10Saka iwe wakapotedzwa nemisungo, Unovhunduswa pakarepo nokutya.
11or darkness, so that you can not see, and floods of waters cover you.
11Nerima, kuti arege kuona, Uye mvura zhinji inokufukidza.
12“Isn’t God in the heights of heaven? See the height of the stars, how high they are!
12Ko Mwari haazi kudenga kumusoro-soro here? Tarira kukwirira kwenyeredzi, dzakakwirira sei!
13You say, ‘What does God know? Can he judge through the thick darkness?
13Iwe unoti, Mwari unoziveiko? Ungagona kutonga pakati perima guru here?
14Thick clouds are a covering to him, so that he doesn’t see. He walks on the vault of the sky.’
14Makore matema akamufukidza, haagoni kuona; Unofamba pakutenderera kwedenga.
15Will you keep the old way, which wicked men have trodden,
15Iwe unoda kuramba uchifamba, nenzira yekare. Yakatsikwa navanhu vakaipa here?
16who were snatched away before their time, whose foundation was poured out as a stream,
16Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika; Nheyo dzavo dzakadururwa sorukova rwemvura.
17who said to God, ‘Depart from us;’ and, ‘What can the Almighty do for us?’
17Ivo vakati kuna Mwari, Ibvai kwatiri; Uye, waMasimbaose angatiiteiko?
18Yet he filled their houses with good things, but the counsel of the wicked is far from me.
18Kunyange zvakadaro wakazadza dzimba dzavo nezvakanaka; Asi mano avakaipa ari kure neni.
19The righteous see it, and are glad. The innocent ridicule them,
19Vakarurama vanozviona, vakafara; Vasine mhosva vanovaseka, .
20saying, ‘Surely those who rose up against us are cut off. The fire has consumed their remnant.’
20Vachiti: Zvirokwazvo vakatimukira vakaparadzwa; Zvakasara zvavo zvakapedzwa nomoto.
21“Acquaint yourself with him, now, and be at peace. Thereby good shall come to you.
21Shamwaridzana naye zvino, uve norugare; Ipapo uchaitirwa zvakanaka.
22Please receive instruction from his mouth, and lay up his words in your heart.
22Gamuchira hako murairo womuromo wake, Uchengete mashoko ake mumoyo mako.
23If you return to the Almighty, you shall be built up, if you put away unrighteousness far from your tents.
23Kana ukadzokera kuno waMasimbaose, uchavakwa; Kana ukabvisa zvisakarurama kure namatende ako.
24Lay your treasure in the dust, the gold of Ophir among the stones of the brooks.
24Isa fuma yako paguruva, Nendarama yeOfiri pakati pamabwe ehova;
25The Almighty will be your treasure, and precious silver to you.
25Ipapo waMasimbaose achava ndarama yako, Nesirivha zhinji kwazvo kwauri.
26For then you will delight yourself in the Almighty, and shall lift up your face to God.
26Nekuti ipapo uchafarira waMasimbaose, Uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.
27You shall make your prayer to him, and he will hear you. You shall pay your vows.
27Uchanyengetera kwaari, iye achakunzwa; Uye acharipa mhiko dzako.
28You shall also decree a thing, and it shall be established to you. Light shall shine on your ways.
28Uchatemawo chirevo, chikasimbiswa kwauri; Uye chiedza chichavhenekera nzira dzako.
29When they cast down, you shall say, ‘be lifted up.’ He will save the humble person.
29Kana vakakusundira pasi, uchati, Ndichasimudzwa; Iye uchaponesa munhu anozvininipisa.
30He will even deliver him who is not innocent. Yes, he shall be delivered through the cleanness of your hands.”
30Iye acharwira nyangwe nomunhu ane mhaka, Zvirokwazvo ucharwirwa iye nokuchena kwamaoko ako.