Shona

1 Chronicles

10

1Zvino vaFirisitia vakarwa navaIsiraeri, varume vaIsiraeri vakatiza pamberi pavaFirisitia, vakawira pasi vaurawa pagomo reGiribhoa.2VaFirisitia vakateverera Sauro navanakomana vake kwazvo, vaFirisitia vakauraya Jonatani, naAbhinadhabhu, naMarikishua, vanakomana vaSauro.3Sauro akakurirwa kwazvo pakurwa, vapfuri vouta vakamubata; akakuvadzwa kwazvo nokuda kwavapfuri vouta.4Ipapo Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandidadire.5Zvino mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati achiona kuti Sauro afa, naiye akazviwisirawo pamunondo wake, akafawo.6Naizvozvo Sauro akafa navanakomana vake vatatu; veimba yake yose vakafa pamwechete.7Zvino varume vose valsiraeri, vakanga vagere pamupata uyo, vakati vachiona kuti vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vafa, ivo vakabva pamaguta avo, vakatiza; vaFirisitia vakasvika vakagaramo.8Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzosunungura vakanga vaurawa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vakafa pagomo reGiribhoa.9Vakamusunungura, vakatora musoro wake nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa vamwari vavo navanhu vavo shoko iro.10Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yavamwari vavo, vakasungira musoro wake mumba maDhagoni.11Zvino vanhu vose vaJabheshiGiriyadhi vakati vanzwa zvose zvakanga zvaitirwa Sauro navaFirisitia,12mhare dzose dzikasimuka, vakabvisa chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake vakaenda nazvo Jabheshi, vakaviga mafupa avo pasi pomuoki paJabheshi, vakatsanya mazuva manomwe.13Naizvozvo Sauro akafa nokuda kokudarika kwake kwaakaitira Jehovha, uye nokuda kweshoko raJehovha raasina kuchengeta; uye nekuti akatsvaka mano kusvikiro, kubvunza naro,14akasabvunza Jehovha; naizvozvo wakamuuraya, akaisa ushe kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.