1Zvino vaIsiraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati, Tarirai, isu tiri mafupa enyu nenyama yenyu.2Kare, kunyange Sauro akanga ari mambo, ndimi maibuda nokupinda naIsiraeri; Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, Iwe uchafudza vanhu vangu valsiraeri, nokuva mutungamiriri3Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakaenda kuna mambo paHebhuroni, Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waSamueri.4Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakakwira Jerusaremu (ndiro Jebhusi); zvino vaJebhusi, vanhu venyika iyo, vakanga varipo.5Ipapo vanhu vaigara paJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, Haungapindi pano. Asi Dhavhidhi akakunda nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.6Ipapo Dhavhidhi akati, Anotanga kubaya vaJebhusi ndiye achava mutungamiriri nomukuru wehondo. Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kukwira, akaitwa mutungamiriri wehondo.7Dhavhidhi akagara panhare; naizvozvo vakaritumidza zita rinonzi guta raDhavhidhi.8Akavaka guta kumativi ose, kubva paMiro kusvikira kumativi ose; Joabhu akagadzira zvimwe zveguta.9Dhavhidhi akaramba achikura, nekuti Jehovha wehondo aiva naye.10Zvino ndivo vakuru vavarume vane simba vaiva naDhavhidhi, vaimusimbisa paushe hwake, pamwechete navaIsiraeri vose, kuti vamugadze ave mambo, sezvakarehwa naJehovha pamusoro palsiraeri.11Ndiko kuwanda kwavarume vane simba vaiva naDhavhidhi: Joshobhiyami mwanakomana wokuHakimoni, mukuru wavana makumi matatu; iye akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya nenguva imwe.12Akamutevera akanga ari Eriazari, mwanakomana waDhodho muAhohi, mumwe wavarume vatatu vaiva nesimba.13Iye akanga ana Dhavhidhi paPasidhamini; vaFirisitia vakanga vaunganapo kuzorwa pabindu rakanga rizere nebhari; vanhu vakatiza pamberi pavaFirisitia.14Vakamira pakati pebindu, vakarirwira, vakauraya vaFirisitia, Jehovha akavarwira nokukunda kukuru.15Zvino vatatu vavakuru vavana makumi matatu vakaburukira kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu; zvino hondo yavaFirisitia yakanga yadzika matende pamupata weRefaimu.16Zvino nenguva iyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka ravarwi vavaFirisitia raiva paBheterehemu nenguva iyo.17Dhavhidhi akapanga, akati, Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBheterehemu, riri pasuwo, ndimwe!18Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBheterehemu, riri pasuwo, vakaitora, vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaramba kuimwa, akaidururira kuna Jehovha,19akati, Mwari wangu ngaandidzivise, ndirege kuita chinhu ichi! Ndingamwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? nekuti vakauya nayo vasingarangariri upenyu hwavo. Naizvozvo akaramba kuimwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo nhatu.20Abhishai munin'ina waJoabhu, ndiye akanga ari mukuru wavatatu avo, nekuti akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya; akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.21Pakati pavatatu ndiye wakange ane mbiri kukunda vamwe vaviri, akava mukuru wavo; asi haana kuenzana navatatu vokutanga.22Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare weKabhizeeri, akanga aita mabasa makuru, iye akauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhi, akandourayawo shumba mukati mehunza panguva yechando.23Akaurayawo muEgipita, murume akanga akakura kwazvo akasvika makubhiti mashanu; muEgipita uyu akanga akabata pfumo muruoko rwake, asi iye akaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuEgipita, akamuuraya nepfumo rake iro.24Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, akanga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.25Tarirai, iye akanga ane mbiri kukunda vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.26Mhare dzehondo dzaiva: Ashaheri munin'ina waJoabhu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu;27naShamoti muHarodhi, naHerezi muPeroni;28naIra mwanakomana wIkeshi muTekoite, naAbhiezeri muAnatoti;29naSibekai muHushati, naIrai muAhohi;30naMakarai muNetofati, naHeredhi mwanakomana waBhaana muNetofati;31naItai mwanakomana waRibhai weGibhiya wavana vaBhenjamini, naBhenaya muPiratoni;32naHurai wehova dzeGaashi, naAbhieri muAribhati;33naAzimavheti muBhaharumiti, naEriabha muShaaribhoni;34navanakomana vaHashemi muGizoni, naJonatani mwanakomana waShage muHarari,35naAhiami mwanakomana waSakari muHarari, naErifari mwanakomana waUri;36naHeferi muMekerati, naAhiya muPeroni;37naHezero muKarimeri, naNaarai mwanakomana waEzibha;38naJoeri munin'ina waNatani, naMibhari mwanakomana waHagiri;39naZereki muAmoni, naNaharai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya;40naIra muItiri, naGarebhi muItiri,41naUriya muHiti, naZabhadhi mwanakomana waArai;42naAdhina mwanakomana waShiza muRubheni, mukuru wavaRubheni, navana makumi matatu naye;43naHanani mwanakomana waMaaka, naJoshafati muMitini;44naUziya muAshiterati, naShama naJeyieri vanakomana vaHotami muAroeri;45naJedhiaeri mwanakomana waShimiri, naJoha munin'ina wake, muTizi;46naErieri muMahavhi, naJeribhai, naJoshavhia, vanakomana vaErinaami, naItima muMoabhu;47naErieri, naObhedhi, naJaasieri muMezobha.