Shona

1 Chronicles

15

1Dhavhidhi akazvivakira dzimba muguta raDhavhidhi; akagadzirira areka yaMwari nzvimbo, akaidzikira tende.2Zvino Dhavhidhi akati, Hakuna munhu anofanira kutakura areka yaMwari asi vaRevhi; nekuti ndivo vakatsaurwa naJehovha kutakura areka yaMwari, nokumushumira nokusingaperi.3Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose paJerusaremu kuti vaise areka yaJehovha kunzvimbo yayo, yaakanga aigadzirira.4Dhavhidhi akaunganidza vanakomana vaAroni navaRevhi;5pakati pavanakomana vaKohati, Urieri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi maviri;6pakati pavanakomana vaMerari: Asaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri namakumi maviri;7pakati pavanakomana vaGerishomi: Joeri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi matatu.8Pakati pavanakomana vaErizafani: Shemaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri;9pakati pavanakomana vaHebhuroni: Erieri mukuru, nehama dzake dzina makumi masere;10pakati pavanakomana vaUzieri. Aminadhabhu mukuru, nehama dzake dzine zana negumi navaviri.11Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiyatari vapristi, navaRevhi vaiti Urieri, naAsaya, naJoeri, naShemaya, naErieri, naAminadhabhu.12Akati kwavari, Ndimi vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi; chizvinatsai imwi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri, kunzvimbo yandakaigadzirira.13nekuti nemhaka yokuti hamuna kuitakura pakutanga, Jehovha Mwari wedu akatirova. Nekuti hatina kumutsvaka sezvatakarairwa.14Naizvozvo vapristi navaRevhi vakazvinatsa, kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri.15Vana vaRevhi vakatakura areka yaMwari pamafudzi avo namatanda akanga aripo, sezvakarairwa naMozisi neshoko raJehovha.16Dhavhidhi akataura navakuru vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo vave vaimbi vane zvokuridza nazvo, zvaiti mitengeramwa, nembira, namakandira, vazviridze nesimba nokuimbisa nomufaro.17Ipapo vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoeri, napakati pehama dzake, Asafi mwanakomana waBherekia; napakati pavanakomana vaMerari, hama dzavo, Etani mwanakomana waKushaya;18uye pamwechete navo hama dzavo dzeboka rechipiri, Zekariya, naBheni, naJaazieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naBhenaya, naMaaseya, naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, vatariri vemikova.19Saizvozvovo vaimbi vaiti Hemani, naAsafi, naEtani, vakagadzwa, vanamakandira endarira kuti vaaridze nesimba;20naZekariya, naAzieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naMaaseya, naBhenaya, vane mitengerangwa ina manzwi matete;21naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, naAzaziya, vane mbira dzina manzwi makobvu kutungamirira vamwe.22Kanania mukuru wavaRevhi, ndiye waiimbisa vanhu; ndiye waidzidzisa vanhu kuimba, nekuti akanga ari nyanzvi.23Bherekia naErikana vakanga vari vatariri vemikova yeareka.24Shebhanaya, naJoshafati, naNetaneri, naAmasai, naZekariya, naBhenaya, naEriezeri, vapristi, ndivo vairidza hwamanda pamberi peareka yaMwari; Obhedhi-Edhomu naJehiya vakanga vari vatariri vemikova yeAreka.25Zvino Dhavhidhi navakuru vaIsiraeri, navakuru vechiuru chamazana, vakandobvisa areka yesungano yaJehovha mumba maObhedhi-Edhomu nomufaro.26Zvino Mwari akati achibatsira vaRevhi vakanga vachitakura areka yesungano yaJehovha, vakabayira Mwari nzombe nomwe namakondobwe manomwe.27Dhavhidhi akanga akafuka nguvo yomucheka wakanaka, navaRevhi vose vakanga vachitakura areka, navaimbi, naKanania, mudzidzisi wokuimba, pamwechete navaimbi; uye Dhavhidhi akanga akafuka efodhi yomucheka.28Saizvozvo vaIsiraeri vose vakakwira neareka yesungano yaJehovha vachipururudza, nokuridza mimanzi, nehwamanda, namakandira, vachiridza zvikuru mitengeramwa nembira.29Zvino areka yesungano yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mukunda waSauro, akatarira napahwindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba; akamushora mumoyo make.