1Vakapinza areka yaMwari, vakaiisa pakati petende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi; vakabayira pamberi paMwari zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.2Zvino Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu nezita raJehovha.3Akapa mumwe nomumwe wavaIsiraeri, murume nomukadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nebundu ramazambiringa.4Akagadza vashumir pavaRevhi, pamberi peareka yaJehovha, nokurumbidza, nokuvonga, nokukudza Jehovha Mwari waIsiraeri;5mukuru waiva Asafi, tevere Zekariya, naJeyieri, naShemiramoti, naJehieri, naMatitia, naEriabhi, naBhenaya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, vane mitengeremwa nembira; Asafi airidza kwazvo makandira.6Bhenaya naJahazieri ndivo vairidza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.7Zvino nezuva iro Dhavhidhi akatanga kuraira kuti vavonge Jehovha nomuromo waAsafi nehama dzake:8Vongai Jehovha, mudane zita rake; Zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.9Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.10Zvirumbidzei muzita rake dzvene; moyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo.11Tsvakai Jehovha nesimba rake; Tsvakai chiso chake nguva dzose.12Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; Zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake.13imwi vana vaIsiraeri, muranda wake, imwi vana vaJakove vasanangurwa vake.14Ndiye Jehovha Mwari wedu, Zvaakatonga zviri pasi pose.15Rangarirai sungano yake nokusingaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi ane chiuru;16Iyo sungano yaakaita naAbhurahamu, Nemhiko yake kuna Isaka;17Akazvisimbisira Jakove, kuti ave mutemo, Kuna Isiraeri kuti ive sungano isingaperi;18Achiti, Ndichakupa iwe nyika yeKanani, uve mugove wenhaka yenyu;19Panguva imwi muchiri varume vashoma pakuverengwa, Zvirokwazvo vashoma kwazvo, navatorwa mairi.20Vakafamba-famba vachibva kuno rumwe rudzi vachienda kuno rumwe, Nokubva kunoumwe ushe vachienda kunavamwe vanhu.21Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; Zvirokwazvo wakatuka madzimambo nokuda kwavo;22Achiti, Musagunzva vazodzwa vangu, Navaporofita vangu musavaitira chakaipa.23Imbirai Jehovha, pasi pose; Paridzirai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe,24dudzirai kubwinya. kwake. akati pavahedheni, Namabasa ake anoshamisa pakati pendudzi dzose.25nekuti Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Iye anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose.26Nekuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; Asi Jehovha ndiye akaita kudenga-denga.27Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake; Simba nomufaro zviri panzvimbo yake;28Ipai Jehovha, imwi ndudzi dzavanhu, Ipai Jehovha kukudzwa nesimba.29Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake; Uyai nechipiriso, uyai pamberi pake; Namatai kuna Jehovha mune nguvo tsvene.30Dedera pamberi pake, nyika yose Nyikawo yakasimbiswa kuti irege kuzununguswa.31Kudenga-denga ngakufare, napasi ngapafarisise; Pakati pendudzi ngavati, Jehovha anobata ushe.32Gungwa ngaritinhire, nokuzara kwaro; Sango ngarifarisise kwazvo, nezvose zviri mariri;33Nguva iyo miti yedondo ichaimba nomufaro pamberi paJehovha; nekuti anouya kuzotonga pasi.34Vongai Jehovha; nekuti akanaka; nekuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi.35Muti, Tiponesei, Mwari woruponeso rwedu, Mutiunganidze pamwechete, mutirwire pandudzi, Kuti tivonge zita renyu dzvene, Tifarisise pakukurumbidzai.36Jehovha Mwari walsiraeri ngaakudzwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose vakati, Ameni, vakarumbidza Jehovha.37Zvino akasiyapo pamberi peareka yesungano yaJ ehovha Asafi nehama dzake, kuti vashumire pamberi peareka nguva dzose, sezvakafanira zuva rimwe nerimwe;38naObhedhi-Edhomu nehama dzavo, makumi matanhatu navasere; naObhedhi-Edhomuwo mwanakomana waJedhutuni, naHosa, kuti vave vatariri vemikova;39nomupristi Zadhoki, nehama dzake vapristi, pamberi petabhenakeri yaJehovha padunhu rakakwirira rakanga riri paGibhiyoni;40kuti vabayire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namadeko, paaritari yezvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa zvose mumurayiro waJehovha, waakaraira Isiraeri;41uye pamwechete navo Hemani naJedhutuni navamwe vakatsaurwa, vakanga varehwa mazita avo, kuti vavonge Jehovha; nekuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi;42uye pamwechete navo Hemani naJedhutuni vane hwamanda namakandira, zvaifanira kuridzwa navaridzi, uye zvokuridzira nziyo dzaMwari; uye vanakomana vaJedhutuni kuti vatarire suwo.43Vanhu vose vakaenda mumwe nomumwe kumba kwake; Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake.