Shona

1 Chronicles

25

1Dhavhidhi navakuru vehondo vakatsaurirawo basa ravo vanakomana vaAsafi naHemani naJedhutuni, kuti vaporofite nembira, nemitengeramwa, namakandira; mazita avakabata basa ravo ndiwo:2vavanakomana vaAsafi: Zakuri, naJosefa, naNetania, naAsharera, vanakomana vaAsafi; vairairwa naAsafi, waiporofita nomurayiro wamambo.3VaJedhutuni: vanakomana vaJedhutuni. Gedharia, naZeri, naJeshaya, naHashabhia, naMatitia, vatanhatu; ivo vairairwa nababa vavo Jedhutuni, nembira, waiporofita achivonga nokurumbidza Jehovha.4VaHemani: vanakomana vaHemani: Bhukia, naMatania, naUzieri, naShebhueri, naJerimoti, naHanania, naHanani, naEriata, naGidhareti, naRomamitiezeri, naJoshibhekasha, naMaroti, naHotiri, naMahazioti.5Ava vose vakanga vari vanakomana vaHemani muoni wamambo pamashoko aMwari; Mwari akapa Hemani vanakomana vane gumi navana, navakunda vatatu, kuzomusimbisa.6Ava vose vairairwa nababa vavo pakuimba kwavo paimba yaJehovha namakandira, nemitengeramwa, nembira, pabasa reimba yaMwari; Asafi, naJedhutuni, naHemani vairairwa namambo.7Ava vose, pamwechete nehama dzavo dzakanga dzadzidziswa kuimbira Jehovha, ivo vose vakanga vachigona kwazvo, vakasvika mazana maviri namakumi masere navasere.8Vakakanda mijenya kuzoratidzwa mabasa avo, kusina anodarikwa, vaduku pamwechete navakuru, navadzidzisi pamwechete navadzidzi.9Mujenya wokutanga waAsafi ukabata Josefa; wechipiri Gedharia; iye navanin'ina vake vakanga vari gumi navaviri;10wechitatu Zakuri, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;11wechina Iziri, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;12weshanu Netania, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;13wetanhatu Bhukia, navanakomana vake, navanin'ina vake, gumi navaviri;14wechinomwe Jesharera, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;15worusere Jeshaya, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;16wepfumbamwe Matania, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;17wegumi Shimei, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;18wegumi nomumwe Azareri, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;19wegumi navaviri Hashabhia, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;20wegumi navatatu Shubhaeri, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;21wegumi navana Matitia, navanakomana vake, navanin'ina vake, gumi navaviri;22wegumi navashanu Jeremoti, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;23wegumi navatanhatu Hanania, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;24wegumi navanomwe Joshibhekasha, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;25wegumi navasere Hanani, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;26wegumi navapfumbamwe Maroti, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;27wamakumi maviri Eriati, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;28wamakumi maviri nomumwe Hotiri, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;29wamakumi maviri navaviri Gidhareti, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;30wamakumi maviri navatatu Mahazioti, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri;31wamakumi maviri navana Romamitiezeri, navanakomana vake navanin'ina vake, gumi navaviri.