Shona

1 Chronicles

26

1Mapoka avatariri vemikova akanga akadai: vavaKora: Mesheremia mwanakomana waKore, wavanakomana vaAsafi.2Mesheremia akanga ana vanakomana ava: Zekariya wedangwe, wechipiri Jedhieri; wechitatu Zebhedhia, wechina Jatinieri;3wechishanu Erami, wechitanhatu Johwanani, wechinomwe Erihonai.4NaObhedhi-Edhomu akanga ana vanakomana ava: Shemaya wedangwe, wechipiri Jehozabhadhi, wechitatu Joa, wechina Sakari, weshanu Netaneri;5wetanhatu Amieri, wechinomwe Isakari, worusere Peuretai; nekuti Mwari akanga amuropafadza.6NaShemaya mwanakomana wake, akaberekerwawo vanakomana vakabata, imba yababa vavo; nekuti vakanga vari varume vane simba noumhare.7Vanakomana vaShemaya vakanga vari: Otini, naRefaeri, naObhedhi, naErizhabhadhi; vanin'ina vake Erihu naShemakia, vakanga vari varume voumhare.8Ava vose vakanga vari vanakomana va Obhedhi-Edhomu; ivo navanakomana vavo, navanin'ina vavo vakanga vari varume vane simba vaigona kubata basa; vakanga vana makumi matanhatu navaviri vaObhedhi-Edhomu.9Mesheremia akanga ana vanakomana navanin'ina, varume voumhare, vane gumi navasere.10NaHosavo, mumwe wavanakomana vaMerari, akanga ana vanakomana; mukuru akanga ari Shimiri (nokuti kunyange akanga asati ari wedangwe baba vake vakamuita mukuru;)11wechipiri Hirikia, wechitatu Tebharia, wechina Zekariya; vanakomana vose vaHosa navanin'ina vake vakasvika gumi navatatu.12Mapoka avatariri vemikova vakabva pakati paivawo, pakati pavarume vakuru, vakapiwa basa savanin'ina vavo kubata muimba yaJehovha.13Vakakanda mijenya, vaduku pamwechete navakuru, nedzimba dzamadzibaba avo kuzoratidzwa suwo rimwe nerimwe.14Sheremia akaratidzwa mugove wokumabvazuva. Zvino vakakanda mijenya pamusoro paZekariya mwanakomana wake, gurukota rakanga rakangwara; mugove wake ukaratidzwa kurutivi rwokumusoro.15WaObhedhi-Edhomu kurutivi rwezasi; wavanakomana vake wokuchengeta dura.16WaShupimi naHosa kumavirazuva, pasuwo reShareketi pamugwagwa unokwira, varindi vakatarisana.17Kumabvazuva kwakanga kuna vaRevhi vatanhatu, kurutivi rwokumusoro zuva rimwe nerimwe vana, kurutivi rwezasi zuva rimwe nerimwe vana, uye padura vaviri-vaviri.18WaParibhari kumavirazuva, vana pamugwagwa, navaviri paParibhari.19Ndiyo migove yavatariri vemikova, vavanakomana vavaKora navanakomana vaMerari.20Pakati pavaRevhi Ahija aitarira zvivigiro zvefuma yeimba yaMwari, nezvivigiro zvefuma yezvinhu zvitsvene.21Vanakomana vaRadhani: vanakomana vavaGerishoni vaiva vaRadhani, vakuru vedzimba dzamadzibaba aRadhani muGerishoni. Jehieri.22Vanakomana vaJehieri: Zetami, naJoeri munin'ina wake, vaitarira zvivigiro zveimba yaJehovha.23Pakati pavaAmirami, navaIshari, navaHebhuroni, navaUzieri:24Shebhueri mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMozisi, araira zvivigiro.25Navanin'ina vake: vaEriezeri, mwanakomana wake Rehabhia, nomwanakomana wake Jeshaya, nomwanakomana wake Joramu, nomwanakomana wake Zikiri, nomwanakomana wake Sheromoti.26Sheromoti uyu navanin'ina vake ndivo vaitarira zvivigiro zvose zvezvinhu zvitsvene, zvakanga zvatsaurwa namambo Dhavhidhi, navakuru vedzimba dzamadzibaba avo, navakuru vezviuru navamazana, navakuru vehondo.27Pakati pezvakapambwa pakurwa vakatsaura zvimwe zvokugadzirisa nazvo imba yaJehovha.28Zvose zvakanga zvatsaurwa naSamueri muoni, uye naSauro mwanakomana waKishi, naAbhineri mwanakomana waNeri, naJoabhu mwanakomana waZeruya; zvose zvakanga zvatsaurwa naani naani zvakanga zvichichengetwa naSheromoti navanin'ina vake.29Pakati pavaIshari, Kanania navanakomana vake vaibata mabasa okunze pakati paIsiraeri, vari vatariri navatongi.30Pakati pavaHebhuroni, Hashabhia navanin'ina vake, varume voumhare, vane chiuru chinamazana manomwe, vaitarira Isiraeri mhiri kwaJoridhani kumavirazuva, kuti vabate mabasa ose aJehovha namabasa amambo.31Pakati pavaHebhuroni, Jeriya akanga ari mukuru, ipo pakati pavaHebhuroni, namarudzi avo nedzimba dzamadzibaba avo. Pagore ramakumi mana rokubata ushe kwaDhavhidhi vakatsvakwa, vakawana pakati pavo varume vane simba noumhare paJazeri reGiriyadhi.32Vanin'ina vake, varume voumhare, vakasvika zviuru zviviri namazana manomwe, vari vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanga vaitwa namambo Dhavhidhi vatariri vavaRubheni, navaGadhi, navehafu yorudzi rwaManase, kuti vaite zvose zvaMwari, namabasa ose amambo.