Shona

1 Chronicles

29

1Zvino mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, Mwanakomana wangu Soromoni, wakatsaurwa iye oga naMwari, achiri muduku asine simba, asi basa iguru; nekuti imba huru haizi yomunhu, asi ndeyaJehovha Mwari.2Zvino ini nesimba rangu rose ndakagadzirira imba yaMwari wangu ndarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nendarira yezvinhu zvendarira, namatare ezvinhu zvamatare, namatanda ezvinhu zvamatanda; nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa mukati, nezvibwe zvoukomba, nezvina mavara-mavara, namamwe marudzi mazhinji ezvibwe zvinokosha, namabwe machena akawanda.3Uyezve, zvandakada zvikuru imba yaMwari wangu, ini zvandine fuma pachangu yendarama nesirivha, ndinozvipa imba yaMwari wangu, ndichiwedzera pane zvose zvandakagadzirira imba tsvene;4zvinoti matarenda endarama ane zviuru zvitatu, endarama yeOfiri, namatarenda akanatswa esirivha ane zviuru zvinomwe, kufukidza madziro eimba nazvo;5nendarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nezvamabasa ose anofanira kuitwa namaoko avapfuri. Zvino ndianiko anoda kupa nhendo dzake nomoyo wake wose kuna Jehovha?6Ipapo machinda edzimba dzamadzibaba, namachinda amarudzi alsiraeri, navakuru vezviuru navamazana, pamwechete navatariri vamabasa amambo vakapa nomoyo wavo wose;7vakapa kubata basa reimba yaMwari ndarama, matarenda ane zviuru zvishanu, namadhariki ane zviuru zvine gumi, nesirivha, matarenda ane zviuru zvine gumi, nendarira, matarenda ane zviuru zvine gumi nezvisere, namatare, matarenda ane zviuru zvine zana.8Vakanga vane zvibwe zvinokosha vakazvipa zviiswe pafuma yeimba yaJehovha, zvichitarirwa naJehieri muGerishoni.9Ipapo vanhu vakafara zvavakapa nomoyo wose, nekuti vakapa Jehovha nomoyo wose wakarurama; mambo Dhavhidhiwo akafara nomufaro mukuru.10Zvino Dhavhidhi akakudza Jehovha pamberi peungano yose; Dhavhidhi akati, Imwi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsiraeri baba vedu nokusingaperi.11Ukuru ndobwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo, nekuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndobwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose.12fuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imwi munobata ushe pamusoro pezvose; paruoko rwenyu pane simba noushe, ruoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa vose simba.13Saka zvino Mwari wedu, tinokuvongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.14Asi ini ndini ani, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomoyo wose kudai? Nekuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.15Nekuti tiri vaeni pamberi penyu navatorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba edu; mazuva edu panyika akafanana nomumvuri, hakune tariro.16Jehovha Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda zvatakagadzira kukuvakirai imba yezita renyu dzvene, zvinobva paruoko rwenyu; zvose ndezvenyu;17ndinozivawo Mwari wangu, kuti imwi munoidzawo moyo, munofanira kurarama. Kana ndirini, ndakapa izvi zvose nomoyo wakarurama nomoyo wose; zvino ndakafara ndichiona vanhu venyu vari pano vachikupai nomoyo wose.18Jehovha Mwari waAbhurahamu, nalsaka, naIsiraeri, madzibaba edu, garisai izvi nokusingaperi pandangariro dzemifungo yemoyo yavanhu venyu; rereudzai moyo yavo kwamuri,19ipai Soromoni mwanakomana wangu moyo wakarurama, kuti achengete mirairo yenyu, nezvipupuriro zvenyu, nezvamakatema, kuti aite zvinhu izvi zvose, avake imba huru yandakagadzirira zvose.20Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, Zvino kudzai Jehovha Mwari wenyu. Ipapo ungano yakakudza Jehovha Mwari wamadzibaba avo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha namambo.21Vakabayira Jehovha zvibayiro, vakauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha mangwanani pazuva rakatevera, zvaiti: nzombe dzine chiuru chimwe, namakondobwe ane chiuru chimwe, namakwaiana ane chiuru chimwe, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, nezvibayiro zvakawanda zvavaIsiraeri vose;22vakadya, vakamwa pamberi paJehovha nomufaro mukuru nezuva iro. Vakaita Soromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo rwechipiri, vakamuzodzera Jehovha ave mutungamiriri, naZadhoki ave mupristi.23Ipapo Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha akava mambo panzvimbo yaDhavhidhi baba vake, akafambiswa zvakanaka; vaIsiraeri vose vakamuteerera.24Machinda ose, navanhu vose vane simba, navanakomana vose vamambo Dhavhidhi vakazviisa pasi pamambo Soromoni.25Jehovha akakudza Soromoni kwazvo-kwazvo pamberi pavaIsiraeri vose, akamupa umambo hwakakura, husina kumbopiwa mumwe mambo waIsiraeri wakamutangira.26Zvino Dhavhidhi mwanakomana waJese akabata valsiraeri vose paushe hwake.27Nguva yaakabata ushe hwaIsiraeri aiva makore makumi mana; wakabata ushe paHebhuroni makore manomwe, napaJerusaremu akabata ushe makore makumi matatu namatatu.28Akazofa akwegura kwazvo, ava namakore mazhinji, nefuma, nokukudzwa; Soromoni mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake.29Zvino mabasa amambo Dhavhidhi, okutanga nookupedzisira, tarirai, akanyorwa pamashoko omuoni Samueri, napamashoko omupristi Natani, napamashoko omuoni Gadhi;30pamwechete namashoko oushe hwake, nesimba rake, nezvaakaitirwa panguva dzose, iye navaIsiraeri, noushe hwose bwedzimwe nyika.