1Zvino Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbiswa paushe hwake, Jehovha Mwari wake akava naye, akamukurisa zvikuru kwazvo.2Zvino Soromoni akataura navaIsiraeri vose, navakuru vezviuru navamazana, navatongi, namachinda ose pakati paIsiraeri vose, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba.3Ipapo Soromoni neungano yose pamwechete naye vakaenda kudunhu rakakwirira raiva paGibhiyoni; nekuti ndipo pakanga pane tende rokusangana raMwari, rakanga ravakwa murenje naMozisi muranda waJehovha.4Asi Dhavhidhi akanga atora areka yaMwari paKiriatijearimi, akaiisa panzvimbo, Dhavhidhi yaakanga aigadzirira; nekuti akanga aidzikira tende paJerusaremu.5Neareka yendarira yakanga yaumbwa naBhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, yakanga iripo pamberi petabhenakeri yaJehovha; Soromoni neungano yose vakairangarira.6Soromoni akakwirako pamberi paJehovha kuaritari yendarira, yakanga iri patende rokusangana, akabayira pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chezana.7Zvino nousiku uhwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni, akati kwaari, Kumbira chaunoda kuti ndikupe.8Soromoni akati kuna Mwari Makaitira baba vangu Dhavhidhi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panzvimbo yavo.9Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakapikira Dhavhidhi baba vangu ngarisimbiswe; nekuti makandiita mambo wavanhu vakafanana neguruva renyika pakuwanda kwavo.10Zvino ndipei henyu njere nokuziva, kuti ndibude nokupinda pamberi pavanhu ava; nekuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu ava vakawanda vakadai?11Mwari akati kuna Soromoni, Zvawarangarira chinhu ichi mumoyo mako, ukasakumbira fuma, nezvakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, kana kukumbira upenyu urefu, asi wakazvikumbirira njere nokuziva, kuti ugone kutonga vanhu vangu, vandakakuita mambo wavo;12zvino njere nokuziva unozvipiwa iwe; uye ndichakupa fuma, nezvakawanda, nokukudzwa, zvisina kumbopiwa mumwe wamadzibaba akakutangira; uye hapana mumwe achakutevera uchava nezvakadai.13Zvino Soromoni akabva panzvimbo yakakwirira yakanga iri paGibhiyoni, pamberi petende rokusangana, akasvika Jerusaremu, akabata ushe hwaIsiraeri.14Soromoni akaunganidza ngoro navatasvi vamabhiza; akanga ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana mana, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, vaakaisa mumaguta engoro nokuna mambo paJerusaremu.15Mambo akaunganidza sirivha nendarama paJerusaremu zvikawanda zvikaita samabwe, nemisidhari ikaita semionde yaiva pamapani.16Mabhiza aSoromoni akauyiswa achibva Egipita nemicheka yakapfava; vatengesi vamambo vaigamuchira micheka yakapfava nemutengo.17Vakandozvitora Egipita, vakauya nazvo, ngoro imwe neimwe ichitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, nebhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria aivigirwa izvozvo navo.