Shona

1 Chronicles

3

1Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi, vakamuberekerwa paHebhuroni: Wedangwe Amunoni, mwana waAhinowami muJezireeri; wechipiri Dhanyeri waAbhigairi muKarimeri;2wechitatu Abhusaromu mwanakomana waMaaka, mukunda waTarimai mambo weGeshuri; wechina Adhonia mwanakomana waHagiti;3weshanu Shefatia waAbhitari, wetanhatu Itireami kuna Egira mukadzi wake.4Wakaberekerwa vatanhatu paHebhuroni, akabata ushepo makore manomwe nemwedzi mitanhatu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu namatatu.5Ava ndivo vaakaberekerwa paJerusaremu: Shimea, naShobhabhi, naNatani, naSoromoni, ivo vana, vaBhatishua mukunda waAmieri;6naIbhari, naErishama, naErifereti;7naNoga, naNefegi, naJafia;8naErishama, naEriadha, naErifereti, ivo vapfumbamwe.9Ndivo vose vaiva vana vaDhavhidhi, vanakomana vavarongo vasingaverengwi; uye Tamari wakange ari hanzvadzi yavo.10Mwanakomana waSoromoni akanga ari Rehobhoami, mwanakomana wake Abhia, mwanakomana wake Asa, mwanakomana wake Jehoshafati;11mwanakomana wake Joramu, mwanakomana wake Ahazia, mwanakomana wake Joashi;12mwanakomana wake Amazia, mwanakomana wake Azaria, mwanakomana wake Jotamu;13mwanakomana wake Ahazi, mwanakomana wake Hezekia, mwanakomana wake Manase;14mwanakomana wake Amoni, mwanakomana wake Josiya.15Vanakomana vaJosiya: Wedangwe Johwanani, wechipiri Jehoyakimu, wechitatu Zedhekia, wechina Sharumi.16Vanakomana vaJehoyakimu: Mwanakomana wake Jekonia, mwanakomana wake Zedhekia.17Vanakomana vaJekonia, vakatapwa. Shearitieri mwanakomana wake,18naMarikirami, naPedhaya, naShenazari, Jekamia, Hoshama, naNedhabhia.19Vanakomana vaPedhaya: Zerubhabheri, naShimei; vanakomana vaZerubhabheri: Meshurami, naHanania; uye Sheromiti akanga ari hanzvadzi yavo;20naHashubha, naOheri, naBherekia, naHasadhia, naJushabhiheshedhi, ivo vashanu.21Vanakomana vaHanania: Peratia, naJeshaya; vanakomana vaRefaya, vanakomana vaArinani, vanakomana vaObhadhiya, vanakomana vaShekania.22Vanakomana vaShekania: Shemaya; navanakomana vaShemaya; Hatushi, naIgari, naBharia, naNearia, naShafati, ivo vatanhatu.23Vanakomana vaNearia: Erioenai, naHizikia, naAzirikami, ivo vatatu.24Vanakomana vaErioenai: Hodhavhia, naEriashibhi, naPeraya, naAkubhi, naJohwanani, naDheraya, naAnani, ivo vanomwe.