Shona

1 Chronicles

4

1Vanakomana vaJudha: Perezi, naHezironi, naKarimi, naHuri, naShobhari.2Reaya mwanakomana waShobhari akabereka Jahati, Jahati akabereka Ahumai naRahadhi. Ndiwo marudzi avaZorati.3Uye ava ndivo vaiva vanakomana vababa vaEtami: Jezireeri, naIshima, naIdhibhashi; uye zita rehanzvadzi yavo rakanga riri Hazereponi;4naPenueri baba vaGedhori, naEzeri baba vaHusha. Ndivo vana vaHuri, wedangwe waEfurata, baba vaBheterehemu.5Zvino Ashuri baba vaTekoa akanga ana vakadzi vaviri, Hera naNaara.6Naara akamuberekera Ahuzami, naHeferi, naTemeni, naHaahashitari. Ndivo vaiva vanakomana vaNaara.7Vanakomana vaHera vaiva Zereti, naIzhari, naEtinani.8Hakozi akabereka Anubhi, naZobhebha, nehama dzaAhareri mwanakomana waHarumi.9Jabhezi akakudzwa kukunda vanin'ina vake, mai vake vakamutumidza zita rinonzi Jabhezi, vachiti, nekuti ndakamubereka ndichitambudzika.10Jabhezi akadana kuna Mwari waIsiraeri, akati, Haiwa, dai muchindiropafadza henyu, nokukurisa nyika yangu, nokundifambisa noruoko rwenyu, nokundichengeta kune zvakaipa, kuti zvirege kundiwira! Mwari akamupa zvaakakumbira.11Kerubhi munin'ina waShuha akabereka Mehiri, iye akanga ari baba vaEshitoni.12Eshitoni akabereka Bhetirafa, naPasea, naTehina baba vaIrinahashi. Ndivo vana vaReka.13Vanakomana vaKenazi : Otineri, naSeraya; vanakomana vaOtineri: Hatati.14Meonotai akabereka Ofira; Seraya akabereka Joabhu baba vaGeharashimi; nekuti dzaiva mhizha.15Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune: Iru, naEra, naNaami; vanakomana vaEra: Kenazi.16Vanakomana vaJehareri: Zifi, naZifa, naTiria, naAsareri.17Vanakomana vaEzira: Jeteri, naMeredhi, naEferi, naJaroni. Bhitia, mukunda waFarao, akabereka Miriami, naShamai, naIshabha baba vaEshitemoa.18Mukadzi wake muJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, naHebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanowa. Ndivo vanakomana vaBhitia mukunda waFarao, akanga akawanikwa naMeredhi.19Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vakanga vari baba vaKeira muGarimi, naEshitemba muMaakati.20Vanakomana vaShimoni: Amunoni, naRina, naBhenihanani, naTironi. Vanakomana vaIshi; Zoheti, naBhenizoheti.21Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha: Eri baba vaReka, naRaadha baba vaMaresha, nehama yedzimba dzaivo vairuka mucheka wakaisvonaka, veimba yaAshibhiya;22naJokimi, navarume veKozebha, naJoashi, naSarafi, vaibata ushe hwaMoabhi, naJashubhirehemi. Mashoko awa ndeekare.23Ndivo vaiva vaumbi vehari, uye vaigara pazvirimwa nemakwenzi; ndipo pavaigara namambo kuzobata basa rake.24Vanakomana vaSimioni: Nemueri, naJamini, naJaribhi, naZera, naShauri;25mwanakomana wake Sharumi, mwanakomana wake Mibhisami, mwanakomana wake Mishima.26Vanakomana vaMishima: Mwanakomana wake Haumueri, mwanakomana wake Zakuri, mwanakomana wake Shimei.27Zvino Shimei akanga ana vanakomana vatanhatu; asi vanin'ina vake vakanga vasina vana vazhinji, uye rudzi rwavo rwose haruna kuwanda, savana vaJudha.28Ivo vakagara paBheerishebha, neMoradha, naHazarishuari;29napaBhiriha, napaEzemi, napaToradhi;30napaBhetueri, napaHorima, napaZikiragi;31napaBhetimarikabhoti, napaHazarisusimi napaBhetibhiri, napaShaaraimi. Ndiwo aiva maguta avo kusvikira Dhavhidhi achibata ushe.32Misha yavo yakanga iri Etami, neAini, neRimoni, neTokeni, neAshani, maguta mashanu;33nemisha yavo yose, yakanga yakakomba maguta iwayo, kusvikira paBhaari. Ndipo pavaigara, uye mazita amarudzi avo aripo.34NaMeshobhabhi, naJamireki, naJosha mwanakomana waAmazia;35naJoseri, naJehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri;36naErioenai, naJaakobha, naJeshohaya, naAsaya, naAdhieri, naJeshimieri, naBhenaya;37naZiza mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni, mwanakomana waJedheiya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya;38ava vakarehwa namazita avo, vaiva machinda pamarudzi avo; dzimba dzamadzibaba avo dzikawanda kwazvo.39Vakaenda pavanopinda paGedhori, kusvikira parutivi rwamabvazuva rwomupata, kutsvakira makwai avo mafuro.40Vakawana mafuro akanaka kwazvo, uye nyika yakanga iri mhami, ino rugare nokunyarara; nekuti vaigarapo kare vaiva vana vaHamu.41Ava, vakanyorwa mazita avo, vakasvika pamazuva aHezekia mambo waJudha, vakaputsa matende avo uye vaMeunimi vakavawanapo, vakavaparadza chose, kusvikira nhasi, vakagara panyika yavo; nekuti kwakanga kuna mafuropo amakwai avo.42Vamwe vavo, ivo vanakomana vaSimioni, vaiva varume vana mazana mashanu, vakaenda kugomo reSeiri, vakatungamirirwa naPeratia, naNearia, naRefaia, naUzieri, vanakomana valshi.43Vakakunda vakanga vasara vavaAmareki, vakapukunyuka, vakagarapo kusvikira zuva ranhasi.