1Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, izvo zvatakanzwa, izvo zvatakaona nemeso edu, izvo zvatakatarira, uye namaoko edu akazvibata, zveShoko roupenyu,2uye upenyu hwakaratidzwa, tikahwuona, tinopupura nokukuparidzirai upenyu hwusingaperi uhwo hwakanga hwuna Baba, hwukaratidzwa kwatiri;3Izvo zvatakaona nekunzwa, tinokuparidziraiwo izvozvo, kuti nemwiwo mudyidzane nesu; uye zvirokwazvo kudyidzana kwedu tinako naBaba, uye noMwanakomana wake Jesu Kristu.4Uye zvinhu izvi tinonyora kwamuri, kuti mufaro wenyu uzadziswe.5Iri ndiro shoko ratakanzwa kwaari, ratinoparidza kwamuri, kuti Mwari chiedza, uye maari hamuna rima zvachose.6Kana tichiti tine kudyidzana naye asi tichifamba murima, tinoreva nhema, uye hatiiti chokwadi;7asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tine kudyidzana umwe neumwe; neropa raJesu Kristu Mwanakomana wake rinotinatsa pachivi chose.8Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera, nechokwadi hachisi matiri.9Kana tichibvuma zvivi zvedu, iye wakatendeka uye wakarurama kuti atikangamwire zvivi, nokutinatsa pakusarurama kose.10Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harisi matiri.