1Vana vangu vaduku, zvinhu izvi ndinokunyorerai kuti musatadza. Uye kana munhu achitadza, tine Murevereri kuna Baba, Jesu Kristu wakarurama;2ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; uye kwete wezvedu chete, asiwo wezvenyika yose.3Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinomuziva kana tichichengeta mirairo yake.4Uyo unoti: Ndinomuziva asi asingachengeti mirairo yake murevi wenhema, nechokwadi hachizi maari;5asi ani nani unochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakaperedzerwa maari. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari;6uyo unoti unogara maari unofanirawo kufamba saizvozvo sezvaakafamba iye.7Hama dzangu, handinyori murairo mutsva kwamuri, asi murairo musharu wamakanga munawo kubva pakutanga; murairo musharu ishoko ramakanzwa kubva pakutanga.8Ndinopamhazve kukunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi maari nemamuri; nekuti rima rinopfuura, zvino chiedza chechokwadi chovhenekera.9Uyo unoti uri muchiedza, asi achivenga hama yake uchiri murima kusvikira zvino.10Uyo unoda hama yake unogara muchiedza, hapane chigumbuso maari.11Asi uyo unovenga hama yake uri murima, iye unofamba murima haazivi kwaanoenda, nekuti rima rakapofumadza meso ake.12Ndinonyora kwamuri, vana vaduku, nekuti zvivi zvenyu makazvikangamwirwa nekuda kwezita rake.13Ndinonyora kwamuri madzibaba, nekuti makamuziva iye wakavapo kubva pakutanga. Ndinonyora kwamuri, majaya, nekuti makakunda wakaipa. Ndinonyora kwamuri vana vaduku, nekuti makaziva Baba.14Ndanyora kwamuri, madzibaba, nekuti makamuziva iye wakange aripo kubva pakutanga. Ndanyora kwamuri, majaya, nekuti makasimba uye shoko raMwari rinogara mamuri zvekare mukakunda wakaipa.15Musada nyika kunyange zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba harusi maari.16Nekuti zvose zviri munyika, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza koupenyu hazvibvi kuna Baba asi zvinobva panyika.17Uye nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi.18Vana vaduku, inguva yekupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti mupikisi waKristu uchauya, nazvino vapikisi waKristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yekupedzisira.19Vakabuda kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nekuti dai vaive vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabuda kuti varatidzwe kuti vose havasi vedu.20Asi imwi mune kuzodzwa kunobva kuna iye Mutsvene, uye munoziva zvinhu zvose.21Handina kukunyorerai nekuti hamuzivi chokwadi, asi nekuti munochiziva, uye nekuti hakuna nhema dzingabva pachokwadi.22Ndianiko murevi wenhema kunze kwaiye unoramba kuti Jesu ndiKristu? Ndiye mupikisi waKristu, unoramba Baba noMwanakomana.23Ani nani unoramba Mwanakomana, ndiye usina Baba, asi unobvuma Mwanakomana una Babawo.24Kana muri imwi zvamakanzwa kubva pakutanga ngazvigare mamuri, nemwiwo muchagara muMwanakomana nomuna Baba.25Uye ichi ndicho chivimbiso chaakativimbisa upenyu hwusingaperi.26Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai.27Asi imwi kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodzwa ikoku sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, uye kuri chokwadi, dzisati dziri nhema, uye kunyange sezvakwakakudzidzisai, muchagara maari.28Uye ikozvino, vana vaduku, garai maari, kuti kana achizoonekwa, tive nechivimbo, tirege kunyara pamberi pake pakuvuya kwake.29Kana muchiziva kuti iye wakarurama, imwi zivaiwo kuti umwe neumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye.