Shona

1 John

3

1Tarirai kuti rudo rwakadini Baba rwavakatipa, kuti tinzi vanakomana vaMwari; nekuda kwaizvozvi nyika haitizivi, nekuti haina kumuziva iye.2Vadiwa, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuonekwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoonekwa isu tichafanana naye; nekuti tichamuona sezvaakaita.3Uye umwe neumwe une tariro iyi maari, unozvichenesa sezvaakachena iye.4Umwe neumwe unoita chivi unodarika nomurairowo; nekuti chivi ndiko kudarika murairo.5Munoziva kuti iye wakaratidzwa kuti abvise zvivi zvedu; uye maari hamuna zvivi.6Ani nani unogara maari haatadzi; ani nani unotadza haana kumuona kana kumuziva.7Vana vaduku, ngakurege kuva neunokunyengerai; uyo unoita kururama wakarurama, saiye akarurama.8Uyo unoita chivi unobva kuna dhiabhorosi, nekuti dhiabhorosi unotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari wakaratidzwa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa adhiabhorosi.9Umwe neumwe wakaberekwa naMwari haaiti chivi, nekuti mbeu yake inogara maari, saka haangatadzi, nekuti wakaberekwa naMwari.10Muna izvozvi vana vaMwari navana vadhiabhorosi vanoratidzwa; umwe neumwe usingaiti zvakarurama haabvi kuna Mwari, naiyewo usingadi hama yake.11Nekuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidanane;12kwete saKaini, wakabva kuna iye wakaipa, akaponda munin'ina wake. Ko wakamuponderei? Nekuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunin'ina wake akarurama.13Musashamisika hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.14Tinoziva kuti takabva murufu tikapinda muupenyu, nekuti tinoda hama. Uyo, usingadi hama yake unogara murufu.15Umwe neumwe unovenga hama yake imhondi; uye munoziva kuti hakuna mhondi ine upenyu hwusingaperi hwunogara mairi.16Ndizvo zvatinoziva nazvo rudo, nekuti wakatiradzikira upenyu hwake; nesu tinofanira kuradzikira hama upenyu.17Asi ani nani ane fuma yenyika ino asi achiona hama yake ichishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?18Vana vangu vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi muzviito nemuchokwadi.19Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri vechokwadi, tigosimbisa moyo yedu pamberi pake.20Nekuti kana moyo yedu ichitipa mhosva, Mwari mukuru kumoyo wedu, uye unoziva zvinhu zvose.21Vadiwa, kana moyo wedu usingatipi mhosva, tine ushingi pamberi paMwari;22uye zvose zvatinokumbira tinogamuchira kubva kwaari, nekuti tinochengeta mirairo yake, tichiita zvinhu zvinofadza pamberi pake.23Uye uyu ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake Jesu Kristu, uye tidanane, sezvaakatipa murairo.24Uye uyo unochengeta mirairo yake unogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti unogara matiri nomweya waakatipa.