1Vadiwa, musatenda mweya yose yose, asi muidze mweya, kuti yakabva kuna Mwari here; nekuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika.2Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari: Mweya umwe neumwe unobvuma kuti Jesu Kristu wakauya munyama unobva kuna Mwari.3Mweya umwe neumwe usingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama, haubvi kuna Mwari; uye uyu ndiye uya womupikisi waKristu wamakanzwa kuti unouya nazvino watova panyika.4Imwi muri vaMwari vana vaduku, uye makavakunda, nekuti uyo uri mamuri mukuru kuna iye uri munyika.5Ivo ndevenyika; naizvozvo vanotaura zvinobva kunyika, uye nyika inovanzwa.6Isu tiri vaMwari; uyo unoziva Mwari unotinzwa; usi waMwari haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wechokwadi nomweya wokutsauka.7Vadiwa, ngatidanane; nekuti rudo runobva kuna Mwari, uye umwe neumwe unoda wakaberekwa naMwari, zvekare unoziva Mwari.8Usingadi, haazivi Mwari, nekuti Mwari rudo.9Naizvozvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake wakaberekwa umwe woga munyika, kuti tirarame kubudikidza naye.10Rudo ruri pachinhu ichi, kwete kuti takada Mwari, asi kuti iye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikunuro rwezvivi zvedu.11Vadiwa, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu tinofanirawo kudanana.12Hakuna munhu wakamboona Mwari; kana tichidanana, Mwari unogara matiri uye norudo rwake rwunoperedzerwa matiri.13Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nekuti wakatipa zvemweya wake.14Isu takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika.15Ani nani unobvuma kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari unogara maari, naiye muna Mwari.16Nesu takaziva tikatenda rudo urwu Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; uye unogara murudo unogara muna Mwari, naMwari maari.17Rudo rwakapedzeredzwa nesu pachinhu ichi, kuti tive neushingi nezuva rekutongwa; nekuti sezvaari iye, ndizvo zvatiriwo panyika ino.18Hakuna kutya murudo, asi rudo rwakaperera runodzinga kutya, nekuti kutya kune marwadzo, unotya haana kuperedzerwa parudo.19Isu tinomuda, nekuti iye wakatanga kutida.20Kana munhu achiti: Ndinoda Mwari asi achivenga hama yake, murevi wenhema; nekuti uyo usingadi hama yake yaakaona, ungada seiko Mwari waasina kuona?21Iwoyu murairo tinawo unobva kwaari, kuti unoda Mwari ngaadewo hama yake.