Shona

1 John

5

1Umwe neumwe unotenda kuti Jesu ndiye Kristu, wakaberekwa naMwari; umwe neumwe, unoda iye wakabereka unodawo wakaberekwa naye.2Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, zvekare tichichengeta mirairo yake.3Nekuti urwu rudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; zvakare mirairo yake hairemi.4Nekuti chipi nechipi chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; uku ndiko kukunda kunokunda nyika, iko rutendo rwedu.5Ndianiko unokunda nyika, kunze kwaiye unotenda kuti Jesu Kristu ndiye mwanakomana waMwari?6ndiye wakavuya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; kwete nemvura yoga, asi nemvura neropa. Zvakare Mweya ndiye unopupura nekuti Mweya ichokwadi7Nekuti kune vatatu vanopupura kudenga, Baba, Shoko naMweya Mutsvene, ava vatatu ndimumwe.8Uye kune vatatu vanopupura panyika, Mweya, mvura neropa ava vatatu vanotenderana pachinhu chimwe.9Kana tichigamuchira uchapupu hwevanhu, uchapupu hwaMwari ukuru; nekuti uhwu ndihwo uchapupu hwaMwari ndihwo hwaakapupura pamusoro poMwanakomana wake.10Uyo unotenda kuMwanakomana waMwari une uchapupu maari; usingatendi Mwari wakamuita murevi wenhema; nekuti haana kutenda uchapupu Mwari hwaakapupurira Mwanakomana wake.11Uhwu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu hwusingaperi; zvino upenyu uhwu hwuri muMwanakomana wake.12Uyo une Mwanakomana une upenyu; usina Mwanakomana waMwari haana upenyu.13Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita roMwanakomanai waMwari kuti mugoziva kuti mune upenyu hwusingaperi uye kuti utende kuzita roMwanakomana waMwari.14Uhwu ndihwo ushingi hwatinahwo maari, kuti kana tichikumbira chinhu nekuda kwake, unotinzwa;15zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa zvichemo zvatakakumbira kwaari.16Kana munhu achiona hama yake ichitadza chivi chisati chiri cherufu, uchakumbira, iye agomupa upenyu hwunopiwa vasingaiti chivi cherufu. Chiripo chivi cherufu; handiti akumbire pamusoro pechichi.17Kusarurama kose chivi; zvekare chivi chiripo chisati chiri cherufu.18Tinoziva kuti umwe neumwe wakaberekwa naMwari haatadzi; asi uyo wakaberekwa naMwari unozvichengeta, wakaipa uyo haangamubati.19Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose ivete muzvakaipa.20Uye tinoziva kuti mwanakomana waMwari wakauya akatipa kunzwisisa, kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri munaiye wechokwadi mumwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu hwusingaperi.21Vana vaduku, zvichengetedzei pazvifananidzo. Ameni.