Shona

2 John

1

1Mukuru kumudzimai wakasanangurwa navana vake vandinoda muchokwadi; uye kwete ini ndoga, asiwo vose vakaziva chokwadi;2nekuda kwechokwadi, chinogara matiri, chichagarawo nesu nokusingaperi.3Ngazvive nemwi, nyasha, tsitsi, nerugare, zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, muchokwadi nerudo.4Ndinofara zvikuru, nekuti ndakawana pavana venyu vanofamba muchokwadi, sezvatakagamuchira murairo kuna Baba.5Ikozvino ndinokukumbirisai, amai, kwete sezvivonzi ndinonyora murairo mutsva kwamuri, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, kuti tidanane.6zvino urwu ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Uyu ndiwo murairo, kuti sezvamakanzwa kubva pakutanga, mufambe mauri.7Nekuti vanyepedzeri vazhinji vakapinda munyika, vasingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama. Uyu ndiye munyepedzeri nemupikisi waKristu.8Zvichenjererei imi, kuti tirege kurashikirwa nezvinhu zvatakabatira, asi kuti tipiwe mubairo wakakwana.9Umwe neumwe, unodarika, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haana Mwari; asi uyo, unorambira mukudzidzisa kwaKristu ndiye une zvose Baba noMwanakomana.10Kana kukauya umwe kwamuri, asingauyi nedzidziso iyi, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, Hekanhi!11Nekuti unoti kwaari: Hekanhi! unodyidzana naye pamabasa ake akaipa.12Kunyange ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora kwamuri, handina kuda kukunyorerai pabepa neingi; asi ndinotarisira kuuya kwamuri, tigotaurirana muromo nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe.13Vana vomunin'ina wenyu wakasanangurwa vanokukwazisai.